Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi January 1
“Munofunga kuti Mwari ane hanya nokuparadzwa kwezvakatipoteredza here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvakazarurwa 11:18.] Nyaya ino inotaura zvikonzero zvomuMagwaro zvinoita kuti tive netariro neramangwana renyika.” Muratidze nyaya iri papeji 18.
Awake! January
“Pavanowirwa nematambudziko, vanhu vakawanda vanofunga kuti vanenge vachirangwa naMwari. Makambofungawo saizvozvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Jakobho 1:13.] Nyaya ino inotsanangura kunobva matambudziko edu chaiko uye kuti nei tingava nechivimbo chokuti achapera nokukurumidza.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi February 1
“Munofunga kuti machechi ose anogamuchirwa naMwari here? [Rega apindure.] Onai zvakataurwa naJesu pano. [Verenga Mateu 15:8, 9.] Nyaya ino inotaura kana Mwari achigamuchira kunamata kwose.” Muratidze nyaya iri papeji 9.
Awake! February
“Zvinhu zvose zviri munyika zvinoratidza kuti nyika yakagadzirwa kuti itsigire upenyu. Munofunga kuti iyi inongova tsaona here kana kuti munodavira kuti zvinoratidza kurongwa noMusiki? [Rega apindure.] Vakawanda vanobvumirana nendima iyi yeBhaibheri. [Verenga Pisarema 104:24.] Magazini ino inoongorora uchapupu hwesayenzi uye hwomuMagwaro hwokuti kune Musiki.”