Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi November 1
“Mhuri dziri kuita sokuti dziri kutarisana nematambudziko ari kuwedzera. Munofunga kuti mhuri dzingabatsirwa sei kana vomumhuri vakaedza kutevedzera mafungiro aya aJesu? [Verenga Mateu 20:28. Zvadaro murege apindure.] Nyaya ino inokurukura zvinhu zvishanu zvingadzidzwa nemhuri kubva kuna Jesu.” Muratidze nyaya inotangira papeji 16.
Awake! November
“Munoona chitendero chichiita kuti vanhu vadanane uye vave nerugare kana kuti vavengane uye vaite zvechisimba here? [Rega apindure.] Zvinoita sokuti vakawanda havasi kushandisa mashoko aya aJesu. [Verenga Mateu 5:44, 45.] Nyaya ino inopindura mubvunzo wokuti, Zvinoita here kuti munhu ade vavengi vake?” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi December 1
“Munofunga kuti rimwe zuva Mwari achagumisa kutambura kuri munyika here? [Rega apindure.] Onai izvi zvinovimbiswa neBhaibheri zvinotipa chikonzero chokuva netariro. [Verenga rugwaro rumwe chete pane ari pabhokisi riri papeji 7.] Magazini ino inoratidza zvinotaura Bhaibheri nezvekugumisa kuchaita Mwari kutambura kwose uye nguva yaachazviita.”
Awake! December
“Vamwe vanotenda kuti zvinhu zvose zvakaita zvokusikwa, asi vamwe vanofunga kuti zvakangoerekana zvavapo uye hazvina chinangwa chaicho. Imi munofungei? [Rega apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri. [Verenga VaHebheru 3:4.] Magazini ino inopa tsananguro ine musoro yokutanga kwakaita zvinhu zvose uye chinangwa chazvo.”