Dzokerazve Kune Vose Vanenge Vatombofarira
1 Vakawanda vedu tiri muchokwadi nhasi nokuti mumwe munhu akaona kufarira kwatakaita mashoko oUmambo uye nokushivirira akadzokazve—zvichida kakawanda—kuti tirambe tichifarira. Nesuwo tinofanira kudzokerazve nomwoyo wose kune vose vanenge vatombofarira. Zvechokwadi, kudzokerazve kunobatanidzwawo mubasa ratakapiwa ‘rokuita vadzidzi.’—Mat. 28:19, 20.
2 Nzwisisa Kufarira: Kunyange kana munhu asina chaatora, zvaanoita chiso chake, inzwi rake, kana kuti mashoko aanoshandisa zvingaratidza kuti anotombofarira mashoko oUmambo. Nechikonzero ichocho, tinogona kudzokerazve. Imwe hama yakashanyira mumwe munhu kwevhiki shanu dzakatevedzana isina chayakagovera. Payakazoshanya kechitanhatu, munhu wacho akatora bhuku, uye akazotanga kudzidza Bhaibheri.
3 Kana ukaona kuti munhu anofarira, kurumidza kudzokerazve, zvichida kwapera mazuva mashomanana. Usapa “akaipa” mukana wokuti abvute zvadyarwa mumwoyo womunhu iyeye. (Mat. 13:19) Iva nechokwadi chokuti unoita sezvawakataura kana makaronga kuti uchazodzokerazve panguva chaiyo yamakataurirana.—Mat. 5:37.
4 Mubasa Remagazini: Unoedza kunoona vanhu vanenge vafarira vaunowana paunenge uchiita basa remagazini here kana kuti paunoparidza zvisina kurongwa? Kana mapedza kukurukurirana, ungati: “Ndanakidzwa nokukurukurirana kwataita. Ndingakuwanai kupi kuti tizotaurazve?” Pazvinenge zvakakodzera, vamwe vaparidzi vangasarudza kupa munhu wacho anenge afarira nhamba dzavo dzorunhare kana kuti vangapanana nhamba dzenhare. Kana vanhu vakagara vachikuona uchiita basa remagazini uri panzvimbo imwe chete, vangasaramba kukupa nhamba dzavo dzorunhare kana kuti kero. Kunyange kana vakaramba kukutaurira kuti ungazovaona sei, ungaedzazve kuwedzera kufarira kwavo nguva inotevera paunovaona mumugwagwa.
5 Zvinotifadza kuona zvirimwa zvatakadiridza tikasakurira zvichikura zvakanaka. Saizvozvowo, tinofara zvikuru patinodzokerazve ndokubatsira vanhu kuti vafambire mberi mune zvokunamata. (1 VaK. 3:6) Vavarira kudzokerazve kune vose vanenge vatombofarira.