RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/07 p. 8
  • “Ungapindura Sei?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ungapindura Sei?”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • (1) Mubvunzo, (2) Rugwaro, uye (3) Chitsauko
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Fundo Inotusa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Chikamu Chitsva Chinotibatsira Kutanga Kukurukura Nevanhu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 3/07 p. 8

“Ungapindura Sei?”

1. Vakawanda vedu takaomerwa nei?

1 Kunyange zvazvo uchida Shoko raMwari, unoona zvakaoma here kuyeuka mamwe mashoko enhoroondo dzomuBhaibheri kana kuti kuyeuka kuti mashoko akati akanyorwa papi muMagwaro? Ungada kuti vana vako vanzwisise zvakarurama zvinhu zvinokosha zvinotaurwa neBhaibheri uye dzidziso huru dzeBhaibheri here? Nyaya inoti “Ungapindura Sei?” inobudiswa papeji 31 yeAwake! mwedzi mumwe nomumwe ingabatsira tose vaduku nevakuru kuti tizive Shoko raMwari zviri nani.—Mab. 17:11.

2. Zvikamu zvakasiyana-siyana zvenyaya inoti “Ungapindura Sei?” zvingashandiswa sei?

2 Unganyatsoshandisa sei nyaya iyi? Awake! yaJanuary 2006 yakapa mazano anotevera, ichiti: “Chimbotora kanguva utarire papeji 31 . . . Zvimwe zvikamu zvepeji iyi zvichanakidza vaverengi vaduku; zvimwe zvichaita kuti vadzidzi veBhaibheri vafambira mberi vaone kuti vanoyeuka zvimwe zvinhu here. Chikamu chakanzi ‘Zvakaitika Rini Munhoroondo?’ chichakubatsira kuti uzive kuti vanhu vomuBhaibheri vakararama rini uye zviitiko zvikuru zvakaitika rini. Kunyange zvazvo mhinduro dzechikamu chinoti ‘Zviri Mumagazini Ino’ dzichiwanika mumagazini yacho yose, mhinduro dzemimwe mibvunzo yose dzichawanika papeji inenge yataurwa mumagazini iyoyo, madzinodhindwa dzakasunikwa. Wadii kutsvakurudza usati waverenga mhinduro idzodzo wozokurukura nevamwe zvaunodzidza? Ungatoshandisa chikamu chitsva ichi chinoti, ‘Ungapindura Sei?’ pakukurukura Bhaibheri semhuri kana kuti seboka.”

3. Dzimwe mhuri dzakabatsirwa sei nenyaya iyi, uye zvikamu zvipi zvaunofarira zvikuru?

3 Chokwadi, mhuri dzakawanda dzinofarira kushandisa nyaya iyi padzinenge dzichidzidza. Vamwe amai vanonyora kuti: “Ini nomurume wangu takafunga kuti yaizova pfungwa yakanaka kukurukurawo chikamu chinoti ‘Kutsvaka Mifananidzo Kunoitwa Nevana’ muchidzidzo chedu chemhuri kuti chirambe chichinakidza mwanasikana wedu ane makore matatu. Tinonakidzwa nokumuona achitora magazini yake yeAwake! ovhura peji imwe neimwe kusvikira awana mufananidzo waanenge achitsvaka.” Vamwe baba kuBrazil vanoti: “Ini nomwanakomana wangu ane makore manomwe tinofarira zvikuru nyaya iyi iri muAwake! Yakabatsira Moises kuti anyatsoteerera, ovhura Magwaro, onzwisisa zvinorehwa nemifananidzo, uye kunzwisisa nguva yakaitika zvimwe zvinhu.” Ashley, ane makore masere anonyora kuti: “Ndinokutendai nokuda kwenyaya inoti ‘Ungapindura Sei?’ iri kunoperera Awake! Ndinodzidza zvakawanda nezveBhaibheri mairi.”

4. Mhuri ingashandisa sei nyaya iyi sechimwe chinhu chokukurukura painenge ichidzidza Bhaibheri?

4 Wadii kufunga nezvokushandisa nyaya inoti “Ungapindura Sei?” nguva nenguva sechimwe chinhu chokukurukura pamunodzidza semhuri? Ungashandisa Index kana kuti Watchtower Library iri paCD-ROM kuti utarire mhinduro yemimwe mibvunzo yakanyanya kuoma. Paunoita kudaro, unenge uchidzidzisa vana vako kutsvakurudza. Kana uine vana vakura, wadii kuvapa basa rokuita kuti uone kana vachigona kutsvakurudza kuti vawane mhinduro pachikamu chinoti “Ndini Ani?” kana kuti chinoti “Zvakaitika Rini Munhoroondo?” musati madzidza semhuri? Vanogona zvino kuzotaura zvavakatsvakurudza pamunenge mava kudzidza. Kunyatsoshandisa peji iyi ndiyo imwe nzira iyo vabereki vanogona kuroverera nayo Shoko raMwari muvana vavo, vachivabatsira kuziva “zvinyorwa zvitsvene” vachiri vaduku.—2 Tim. 3:15; Dheut. 6:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe