RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/1 p. 3
  • Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Kunofadza kweNharireyomurindi!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Uri Kunyatsoishandisa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Nharireyomurindi Itsva Yokudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Ungapindura Sei?”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/1 p. 3

Kuvaverengi

TINOFARA kukuzivisai kuti kutanga nemagazini ino, zvimwe zvinhu zvichange zvachinja pamanyorerwo eNharireyomurindi. Tisati tatsanangura zvichange zvakasiyana, regai titaure zvisiri kuzochinja.

Zita remagazini ino rokuti Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha harisi kuzochinja. Nokudaro Nharireyomurindi icharamba ichikudza Jehovha saMwari wechokwadi uye kunyaradza vaverengi nemashoko akanaka oUmambo hwake. Nyaya dziri pamapeji 5 kusvika ku9 mumagazini ino dzinokurukura kuti Umambo ihwohwo chii uye kuti huchauya rini. Uyezve Nharireyomurindi icharamba ichiita kuti muverengi ave nokutenda muna Jesu Kristu, ichitsigira chokwadi cheBhaibheri, uye ichitsanangura zvinorehwa nezviitiko zvenyika sezvinotsanangurwa nouprofita hweBhaibheri, sezvayanga ichiita kwemakore anopfuura zana.

Naizvozvo chii chichange chakasiyana? Regai titsanangure dzimwe nyaya dzinonakidza dzichabuda mumagazini yomusi wa1 womwedzi woga woga.a

Mwedzi mumwe nomumwe pachabuda nyaya dzinoita kuti vanhu vafunge zvakadzama. Nyaya inoti “Waizviziva Here?” ichava nemashoko anonakidza anobudisa pachena zvinorehwa nenyaya dzomuBhaibheri. Nyaya inoti “Swedera Pedyo naMwari” ichataura zvatinogona kudzidza nezvaJehovha mundima dzeBhaibheri. Musoro unoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti” uchapindura mibvunzo yeBhaibheri inogarobvunzwa nevanhu vakawanda. Somuenzaniso, vakawanda vave vachibvunza kuti, “Umambo hwaMwari huri mumwoyo mako here?” Uchawana mhinduro yacho papeji 13.

Nyaya dzakati kuti dzichagara dzichibuda ndedzokubatsira mhuri. Musoro unoti “Mazano Okuti Mhuri Ifare,” uchange uchibuda kana pagore, uchakurukura matambudziko anowanika mumhuri uye ucharatidza kuti zvinotaura Bhaibheri zvingabatsira sei pakugadzirisa matambudziko acho. Pane nyaya mbiri dzichapota dzichichinjaniswa mwedzi nomwedzi. Inoti “Dzidzisai Vana Venyu,” ndeyokuti vabereki vaverenge nevana vavo uye inoti “Zvevechiduku” chirongwa chokuti vechiduku vadzidze Bhaibheri.

Pane mimwewo misoro ichange ichibuda kana pagore. Unoti “Tevedzerai Kutenda Kwavo” uchatikurudzira kutevedzera muenzaniso womumwe munhu womuBhaibheri. Somuenzaniso, pamapeji 18 kusvika ku21 emagazini ino, uchaverenga nyaya inonakidza yomuprofita Eriya uye uchadzidza kuti tingatevedzera sei kutenda kwake. Nyaya inoti “Tsamba Inobva Kuna . . . ” ichange ine zvinotaurwa nemamishinari uye vamwewo vanobva kumativi mana enyika. Musoro unoti “Zvatinodzidza Kuna Jesu” uchange uine dzidziso huru dzeBhaibheri dzichatsanangurwa zviri nyore.

Tinovimba kuti Nharireyomurindi icharamba ichinakidza vaverengi vanoremekedza Bhaibheri uye vanoda kuziva zvarinonyatsodzidzisa. Tinotarisira kuti magazini ino ichakubatsira kupedza nyota yako yechokwadi cheBhaibheri.

VABUDISI

[Mashoko Omuzasi]

a Iye zvino Nharireyomurindi dzichabudiswa dziri mhando mbiri. Magazini yemusi wa1 womwedzi woga woga ichava yevoruzhinji. Magazini yomusi wa15 ichange ichidzidzwa neZvapupu zvaJehovha pavanoungana kuti vanamate, uye voruzhinji vanogonawo kuvapo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe