RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/08 p. 1
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Purogiramu Yezuva Regungano Chairo ya2010
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 8/08 p. 1

Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo

Musoro wepurogiramu yezuva regungano chairo regore rebasa ra2009 unoti, “Ramba Uchichenjerera Ushumiri . . . , Kuti Uhuite,” wakatorwa pana VaKorose 4:17. Zvatiri vaKristu, tinokoshesa mashoko iwaya anokurudzira. Chinangwa chedu ndechokuti tizadzise ushumiri hwedu nokuvimbika sezvakaita Jesu. (Joh. 17:14) Muapostora Pauro akatiratidzawo muenzaniso wakanaka zvikuru panyaya iyi. Akanga akatsunga kupedza ushumiri hwake.—Mab. 20:24.

Hurukuro yomutariri wedunhu icharatidza kuti vaparidzi vakasiyana-siyana vari kukunda sei zvinetso zvavo muushumiri. Zvadaro hurukuro inoti, “Sakura Zvawakadyara” icharatidza kuti tinganyatsobatsira sei vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.” (Mab. 13:48) Mukurukuri anoshanya achatanga nokukurukura ndima nendima yorugwaro rwa2 VaKorinde 6:1-10, muhurukuro inoti, “Maratidziro Atinozviita Kuti Tiri Vashumiri.” Masikati acho achakurukura kuvateereri hurukuro inoti, “Koshesa Zvikuru Ushumiri Hwako.” Hapana mubvunzo kuti muchakurudzirwa nehurukuro inoti “Vaduku Nevakuru Nakidzwai Noushumiri” neyokuti, “Vaduku Vanoita Ushumiri Zvizere.” Vaya vanoda kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura vanofanira kukurumidza kuzivisa mutariri anotungamirira. Chikamu chinokosha pamagungano edu ose edunhu neeruwa ndechokudzidza Nharireyomurindi. Uya neNharireyomurindi yako inenge ichidzidzwa vhiki yezuva regungano chairo.

Patinenge tichingwarira kuti tiite ushumiri hwedu zvizere, tinoedza kuva nechokwadi chokuti zvimwe zvinhu hazvivhiringidzi basa ratakapiwa naJehovha. Kukurudzirwa kwatinoitwa nepurogiramu iyi yezuva regungano chairo inobva muMagwaro, kunofanira kutibatsira tose kuona zvatinofanira kuita kuti tirambe takatarira mberi uye kuti tiongorore ushumiri hwedu tiine chinangwa chokuti tihuite zvizere.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe