Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Aug. 15
“Ndingada kuziva zvamunofunga pane zvinotaurwa apa. [Verenga VaHebheru 3:4.] Munobvuma here kuti zvose zvakasikwa zvaiva noMugadziri akachenjera? [Rega apindure.] Magazini ino inoongorora kana kutenda mune Mugadziri kuchipindirana nesayenzi yechokwadi.”
Awake! Aug.
Paunosangana nomunhu wechiduku, ungati: “Vakawanda vezera rako vakarwadziwa nemakuhwa anokuvadza. Izvozvo zvakamboitika kwauri here? [Rega apindure.] Bhaibheri rine mazano akanaka anogona kutibatsira kana tikaitirwa makuhwa. Rinoratidzawo kuti isu pachedu chii chatingaita kuti tisaite makuhwa anokuvadza.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12 uye verenga rumwe rwemagwaro ari munyaya yacho.
Nharireyomurindi Sept. 1
“Vakawanda vanofunga kuti ‘Testamende Yekare’ ine mashoko anobatsira ezvakaitika kare. Asi havana chokwadi kana zvainorayira zvichishanda mazuva ano. Munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaRoma 15:4.] Magazini ino inoratidza kuti ‘Testamende Yekare’ ine mazano anobatsira sei mukurarama kwezuva nezuva uye inopa tariro chaiyo yeramangwana.”
Awake! Sept.
“Munofunga kuti njodzi dzinongoitika dzoga dzinokonzerwa naMwari here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Dheuteronomio 32:4.] Magazini ino inoongorora kuti nei Mwari achirega njodzi dzinongoitika dzoga dzichiitika. Inotaurawo kuti mungadzivirira sei mhuri yenyu.”