Awake! Ichagoverwa Muna November Ichange Iine Nyaya Inokosha!
1 Vanhu vakawanda vanobvunza nomwoyo wose kana Bhaibheri richibatsira. Kana rakanyorwa nevanhu, ringagova sei Shoko raMwari? Nei ndichifanira kuvimba naro kuti ritungamirire mararamiro angu? Kana ndikaverenga uye ndikadzidza Bhaibheri, hakusi kutambisa nguva here, zvichandibatsirei? Ndinofanira kushandisa shanduro ipi? Iyi ndiyo mimwe yemibvunzo ichapindurwa neAwake! yaNovember ichange iine nyaya inokosha inoti “Unogona Kuvimba neBhaibheri Here?”
2 Tichada kuparadzira zvikuru Awake! iyi ine nyaya inokosha mundima yedu. Kana zvichiita, shanda neungano muushumiri hwepaimba neimba paMugovera woga woga mumwedzi waNovember. Iratidze hama dzako, vavakidzani, vaunoshanda navo, vadzidzisi, vaunodzidza navo kuchikoro uye vaunodzokerazve. Itakure kana uchienda kunotenga kana kuti uri parwendo. Vakuru vakawedzera odha kuitira kuti ungano iwane akakwana.
3 Tanga Kudzidza Bhaibheri Nemunhu: Kana ukagovera magazini yacho, unogona kusiya pokuzotangira kudzidza Bhaibheri usati wagumisa kukurukurirana. Somuenzaniso ungati, “Pandichadzoka, ndingada kukuratidzai mhinduro yeBhaibheri kumubvunzo uyu unoti, ‘Ndechipi chinangwa chaMwari nokuda kwenyika?’” Dzokera uine bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei uye ratidza saimba mapeji 4-5 kana kuti kurukurai ndima 1-3 dzechitsauko 3. Kana kuti ungati, “Pandichadzoka, ndingada kuzokurukura nemi uprofita hweBhaibheri huri kuzadzika iko zvino.” Paunodzokera, ratidza saimba chitsauko 9 chebhuku racho uye kurukurai ndima 1-3. Kana kuti ungangoudza saimba kuti: “Vakawanda vanoomerwa nokunzwisisa zvavanoverenga muBhaibheri. Pandichadzoka, ndingada kukubatsirai kunzwisisa Bhaibheri renyu zviri nani.” Kana wadzokera muratidze Bhaibheri Rinombodzidzisei uye enzanisira kuti munodzidza sei.
4 Bhaibheri chete ndiro rine “zvinyorwa zvitsvene” zvinogona kutibatsira kuva ‘vakachenjera kuti tiwane ruponeso.’ (2 Tim. 3:15) Saka tose tichada kushingaira kuparadzira Awake! iyi ine nyaya inokosha ichabatsira vanhu kuti vavimbe neBhaibheri!