Awake! Ichagoverwa Muna September Ichange Iine Nyaya Inokosha
1 Anenge munhu wose zvake anofarira kuimba kweshiri uye kuona kunyura kwezuva. Zvisinei, vakawanda havanzwisisi kuti Baba vokudenga vane rudo vakasika zvinhu izvozvi. Tichava nomukana unoshamisa wokuzivisa nezvokuva musiki kwaJehovha nokuparadzira iyi Awake! (Isa. 40:28; 43:10) Awake! yaSeptember yose zvayo inotaura nezvenyaya inoti “Kune Musiki Here?”
2 Mundima: Kana zvichiita, ronga kubudawo mubasa roushumiri repaimba neimba neungano musi woMugovera woga woga. Chokwadika, inzwa wakasununguka kugovera magazini iyi pane dzimwewo nguva mukati mevhiki. Vadzidzisi nevamwe vanoshanda mubasa redzidzo zvimwe ndivo vachanyanya kufarira magazini iyi. Saka, urongwa chaihwo hungangoitwa hwokuti vanhu vakadaro vari mundima yenyu vashanyirwe.
3 Kana vakafarira, siya wavabvunza mubvunzo wauchazopindura paunozoshanyazve. Somuenzaniso, ungabvunza mubvunzo wokuti nei Musiki ane rudo achibvumidza kutambura zvakadaro. Zvadaro, pakudzokerazve, ungamuratidza chitsauko 1 kana kuti chitsauko 11 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana kuti ungasarudza kumubvunza nezvechinangwa choMusiki nokuda kwenyika mobva mazokurukura chitsauko 3 paunodzokerazve.
4 Kuchikoro: Kana uchienda kuchikoro, wadii kugovera Awake! iyi ine nyaya inokosha sechipo kuvadzidzisi vako uye vaunodzidza navo? Kungoisa magazini imwe chete padhesiki rako kungamutsa mibvunzo yezvatinotenda. Zvimwe ungangozowana mikana yokushandisa mashoko arimo paunenge uchidzivirira kutenda kwako pakukurukurirana kunoitwa mukirasi uye paunenge uchigadzirira kunyora rondedzero. Kuti ubatsirike, nyaya ye“Vechiduku Vanobvunza Kuti” ine musoro unoti “Ndingadzivirira Sei Zvandinotenda Pamusoro Pechisiko?”
5 Jehovha anofanira kuremekedzwa nokurumbidzwa pamusana pezvinhu zvaakasika. (Zvak. 4:11) Tingaremekedza Musiki wedu uye tingabatsirawo vamwe kuti vamuremekedze nokugovera nechido Awake! yaSeptember.