Mushandirapamwe Wakakura Kwazvo Wokuparidza Wati Waitwa Munyika Yose!
Kwemakore anopfuura 100, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiparidza mashoko akanaka nenzira yakarongeka. (1 VaK. 9:23) Mumushandirapamwe uyu wakakura kwazvo wokuparidza wati waitwa munyika yose, tinozivisa mashoko aya mumazana emitauro. Tiri kuazivisa munyika dzinodarika 230. (Mat. 24:14) Asi nei basa iri richikosha? Uye riri kuitwa sei munyika yose?
Vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—Organized to Share the Good News inopindura mibvunzo iyi nokuratidza zvakajeka mabasa akawanda atiri kuita munyika yose. Sezvaunoiona, zvibvunze mibvunzo iyi: (1) Basa redu rakarongwa uye riri kutungamirirwa sei? (2) Madhipatimendi Okunyora, Eshanduro, Okudhirowa, Okurekodha Mashoko Nemavhidhiyo ari kubatsirawo sei kuti mashoko akanaka aparidzwe? (3) Chinangwa chedu chokuita basa guru rokudhinda uye rokuendesa mabhuku munyika ndechei? (Joh. 17:3) (4) Mabhuku akawanda zvakadini anodhindwa gore roga roga? (5) Mabhuku edu anotsanangura zviri muBhaibheri akaitei pavanhu? (VaH. 4:12) (6) Chii chiri kuitwa kubatsira mapofu kana kuti matsi mune zvokunamata? (7) Tinowana kupi mari yokutsigira basa redu? (8) Tinobatsirwa sei nebasa reDhipatimendi Remashoko Echipatara, Dhipatimendi Rebasa uye Dhipatimendi Remagungano? (9) Zvauri mumwe weZvapupu zvaJehovha, vhidhiyo iyi yawedzera sei kunzwisisa kwaunoita, (a) zviri kuitwa nesangano raJehovha kuti mashoko akanaka aparidzwe? (b) mhuri dzeBheteri dziri mumapazi anopfuura 100 ari munyika yose? (c) kurovedzwa kunoitwa vatariri uye mamishinari? (d) kukosha kwokutanga zuva nokuongorora rugwaro rweBhaibheri uye kugadzirira misangano yeungano vhiki imwe neimwe? (e) zvakanakira kupinda misangano yedu yechiKristu? (f) zvichaitika muParadhiso? (Isa. 11:9) (g) kushandawo nevamwe mubasa riri kuenderera mberi rokukohwa?—Joh. 4:35.
Zvii zvakanaka zvawakaona pawakaratidza vhidhiyo iyi kuhama dzako, vanhu vaunozivana navo, vawakaenda kunoonazve muushumiri, uye vaunodzidza navo Bhaibheri? Wadii wairatidza mumwe munhu nokukurumidza paunomuudza mashoko akanaka?—Mat. 28:19, 20.