Nyatsoshandisa Nguva Yako Zvakanaka Muushumiri
1 Chokwadi kune zvakawanda zvokuita muushumiri, uye nguva yapera. (Joh. 4:35; 1 VaK. 7:29) Kana takarongeka uye tikafanoronga, tinogona kunyatsoshandisa nguva yatinenge takarongera ushumiri.
2 Gadzirira: Usati waenda kumusangano webasa, iva nechokwadi chokuti une mabhuku ose auchada kushandisa uye iva nemharidzo yawakagadzirira. Musangano wapfigwa nomunyengetero, ibva wananga mundima. Izvi zvichaita kuti iwe nevaunenge uchishanda navo muite zvakawanda munguva yamuchange muri muushumiri.
3 Kana wanzi uitise musangano webasa, tanga nenguva. Musangano wacho ngauve mupfupi, ngauitwe mumaminitsi 10 kusvika ku15 chete. Usati waita kuti boka racho riende muushumiri, iva nechokwadi chokuti munhu wose anoziva kwokuenda uye waachashanda naye muushumiri.
4 Paunenge Uri Muushumiri: Musangano webasa romumunda wangopera, usadya manonoko, asi ibva wapinda mundima. Kana uchizokurumidza kupedza, ungangoronga chifambiso chako woga kuitira kuti boka racho rose rirege kukurumidza kupedza. Paunenge uchishanda neboka, fungawo vamwe vanenge vakakumirira kuti upedze kukurukura nomunhu. Izvozvo zvingada kuti usiyane nomunhu ane nharo asi uchizviita nounyanzvi kana kuronga kuzoshanyirazve uya anenge achifarira.—Mat. 10:11.
5 Paunenge uchidzokerazve, ona vanhu vari munharaunda imwe chete usati waenda kune imwe kuitira kuti usapedza nguva uchifamba. Zvingada kuti ufonere vamwe vanhu kuti uve nechokwadi chokuti varipo. (Zvir. 21:5) Kana uchitarisira kuti uchagarisa pamunhu waunenge wadzokerazve, ronga kuti vaya vari muboka rako vaparidzire pedyo kana kuronga kuti uzodzoka zvakare.
6 Tiri kurarama munguva yokukohwa kukuru mune zvokunamata. (Mat. 9:37, 38) Basa iri richapera nokukurumidza. Saka chido chedu ndechokuti tinyatsoshandisa nguva yedu zvakanaka patinenge tiri muushumiri.