Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJanuary 14
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 1 uye Awake! yaJanuary.
15 min: “Nyatsoshandisa Nguva Yako Zvakanaka Muushumiri.”a Bvunzurudza hama inoita zvakanaka pakubuda neboka mubasa romumunda. Inoitei kuti igadzirire kubuda neboka uye kuti inyatsoshandisa zvakanaka nguva yayo muushumiri?
20 min: “Kutaura Kwenyu Ngakuve . . . Kwakarungwa Nomunyu Nguva Dzose.”b Pakukurukura ndima 2, verenga Johani 4:7-15, 39.
Vhiki Inotanga naJanuary 21
10 min: Zviziviso zveungano. Taura mabhuku achagoverwa muna February, uye enzanisira mharidzo imwe chete. Kurudzira munhu wose kuti aone vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights pakugadzirira hurukuro ichakurukurwa paMusangano Webasa wevhiki inotanga naFebruary 4.
10 min: Uri Kushandisa Here Kabhuku Kanonzi Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri inobva pamashoko okutanga ari mukabhuku kanonzi Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2008. Kurukura zvakanakira kuwana nguva zuva nezuva yokuongorora Rugwaro rwezuva netsinhiro dzacho. Kumbira vateereri kuti vataure zvakaita purogiramu yavo yokukurukura rugwaro rwezuva uye kuti vakabatsirwa sei. Fanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vataure. Taura muchidimbu rugwaro rwegore rwa2008.
25 min: “Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka.”c (Ndima 1-10) Inofanira kukurukurwa nomutariri webasa. Bvunzurudza muparidzi mumwe chete kana vaviri vakaita upiyona hwebetsero gore rapera pasinei nepurogiramu ine zvakawanda zvokuita kana kuti urwere. Vakakwanisa sei kuzviita? Chii chakavanakidza? Pakukurukura ndima 7, taura purogiramu yemisangano yebasa romumunda yomwedzi yaMarch, April, naMay.
Vhiki Inotanga naJanuary 28
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJanuary. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Kukurukurirana nevateereri kunobva muNharireyomurindi yaFebruary 1 uye Awake! yaFebruary. Wakurukura muchidimbu mashoko emagazini imwe neimwe, bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa nevanhu vomundima yenyu uye kuti nei. Kumbira vateereri kuti vataure pfungwa dziri munyaya dzavakaronga kuzoshandisa pakugovera magazini acho. Mubvunzo upi ungabvunzwa pakutanga kukurukurirana nomunhu? Rugwaro rwupi ruri munyaya yacho rungaverengwa? Rugwaro rwacho rungabatanidzwa sei nenyaya yacho? Uchishandisa mharidzo dzokuenzanisira dziri papeji 8, enzanisira kugoverwa kungaitwa magazini imwe neimwe.
20 min: “Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka.”d (Ndima 11-17) Kana mapepa okukokera Chirangaridzo aripo, ipa rimwe chete kumunhu wose ari muvateereri pakukurukura ndima 14. Taura zvakarongwa neungano kuti ndima yose ishandwe.
15 min: “Batsira Vaunodzidzisa Bhaibheri Kuti Vave Vaparidzi Vemashoko Akanaka oUmambo.”e Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro aripo.
Vhiki Inotanga naFebruary 4
10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura Bhokisi Remibvunzo.
10 min: Zvinodiwa muungano.
25 min: “Uri Kuverengera Here?” Inofanira kupiwa nomukuru. Ibva watanga kukurukura nevateereri vhidhiyo inonzi Patient Needs and Rights, uchishandisa mibvunzo iri munyaya yacho. Pakupedzisira, verenga ndima yokupedzisira uye kurudzira vose kuti vazonyatsodzokorora nyaya dzataurwa dziri muNharireyomurindi uye muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsanangura kuti vasati vaita izvi vangagona sei kushandisa wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006 kuti vasarudze voga panyaya yokushandisa zvikamu zviduku zveropa uye marapirwo avanoda uye kuti vanozvinyora sei pakadhi reDPA. Vaya vanenge vakatozadza kare kadhi ravo reDPA vangada kuongorora zvavakambosarudza uye kana zvakakodzera vozadzazve kadhi idzva. Kana ungano isingakwanisi kuona uye kukurukura vhidhiyo inonzi Transfusion, tapota kurukura ndima 1 ne3 dzenyaya yacho uye mashoko ari muNharireyomurindi uye ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwataurwa. Simbisa kuti pasave nokuverengera panyaya iyi yokuzadza kadhi reDPA.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.