RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/08 p. 4
  • Uri Kunyatsoishandisa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kunyatsoishandisa Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Nyaya Itsva Dzokushandisa Pakutanga Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Nyaya Dzinotibatsira Muushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Kuchinja Kunofadza kweNharireyomurindi!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 8/08 p. 4

Uri Kunyatsoishandisa Here?

1 “Nguva iri kutondinonokera kuti ndiishandise muushumiri!” Ndizvo zvakanyorwa neimwe hanzvadzi pashure pokunge yaverenga Nharireyomurindi yaJanuary 1, 2008. Wakamboongorora here dzimwe nyaya dzinogara dzichibuda mumagazini yevoruzhinji, uye wakawana nzira dzokunyatsoshandisa nyaya idzi muushumiri here?

2 “Zvatinodzidza Kuna Jesu”: Zvichida wakawana chikamu ichi chichibatsira pakutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. Kana wanga usati wazviita, edza kuverenga misoro yenyaya dzacho kuna saimba wobva waita kuti afunge nezvemashoko akataurwa naJesu nezvenyaya yacho sezvinorondedzerwa mundima yokutanga. Kana akaratidza kufarira pokutanga, edza kuramba uchikurukura naye nokushandisa misoro miduku, yakanyorwa semibvunzo inotokonya pfungwa. Kumbira saimba kuti apindure mubvunzo wacho. Tsanangura muchidimbu mifananidzo inoenderana nenyaya yacho, uye pfuurirai mundima inotevera. Mungakurukura hafu yenyaya yacho pakushanya kwokutanga mozopedzisa paunozodzoka. Gadzirira kutanga kudzidza bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

3 “Mazano Okuti Mhuri Ifare”: Nyaya idzi, dzinobuda mumwedzi mitatu yoga yoga, dzinonyorerwa kuti dzibatsire varume, madzimai nevabereki kuti vaone kuti vangashandisa sei zvinodzidziswa neBhaibheri pavanenge vachisangana nezvinetso zvingada kuvhiringidza rugare rwemhuri dzavo. Unogonawo kushandisa nyaya idzi kubatsira vasiri Zvapupu kuti vaone uchenjeri huri muBhaibheri.—2 Tim. 3:16, 17.

4 Nyaya Dzevechiduku: Nyaya dzinoti “Zvevechiduku” dzinonyorwa nenzira inoita kuti muverengi akwanise kuongorora nhoroondo yakati yomuBhaibheri. Unogona kushandisa nyaya idzi kubatsira vechiduku vaunosangana navo muushumiri kuti vaone kukosha nokubatsira kunoita kudzidza Shoko raMwari. (Pis. 119:9, 105) Paunenge uchitaura nevabereki, ungavaratidza nyaya inoti, “Dzidzisa Vana Vako” inobuda mwedzi miviri yoga yoga. Nyaya idzi dzinogona kubatsira vana vaduku kudzidza zvidzidzo zvinokosha zvevanhu vanotaurwa muBhaibheri. Wakaronga kuverenga nyaya idzi nevana vako here?

5 Dzimwewo Nyaya: Mwedzi woga woga, nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti” inokurukura mubvunzo ungangobvunzwa nevanhu vasiri Zvapupu. Ungaratidza vanhu nyaya iyi paunenge uchigovera magazini paimba neimba. Nyaya inoti “Tsamba Inobva . . . ” inhoroondo yakajeka inoita zvokurondedzerwa nomunhu akazviona inoratidza zvinetso zvinosangana nemamishinari nevamwe pavanenge vachiita ushumiri hwavo. Nyaya idzi dzinogona kubatsira vanofarira kuti vaone kuti mashoko akanaka ari kuparidzwa mupasi rose rinogarwa, zvichizadzisa chiratidzo chokuvapo kwaKristu.—Mat. 24:3, 14.

6 Nyaya inobuda mwedzi nomwedzi inoti “Swedera Pedyo naMwari,” inobva mukuverenga Bhaibheri kunoitwa muChikoro chaMwari Choushumiri, ingaita kuti vanoda chokwadi nomwoyo wose vade kudzidza zvakawanda nezvaJehovha. Nyaya dzinoti “Tevedzera Kutenda Kwavo,” dzinobuda kana pagore, dzinonyorerwa kuti dzibatsire vanhu kuti vanzwisise nhoroondo dzomuBhaibheri sevaivapo pazvaiitika, vachiona vanhu vomuBhaibheri sezvavaiva, zvavaisarudza, zvipingamupinyi zvavo, kutenda kwavo, zviri zvinhu chaizvo zvinoitika muupenyu kune vaya vanenge vachiverenga nezvazvo mazuva ano.

7 Tinofara chaizvo kuti mwedzi woga woga tinogamuchira Nharireyomurindi inonyorerwa kuti ishandiswe muushumiri! Nepose patinogona napo, ngatizivei chaizvo zviri muNharireyomurindi iyi tonyatsoishandisa muushumiri hwedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe