Mushandirapamwe Wokuparadzira Turakiti October 20–November 16!
1 Kutanga musi woMuvhuro, October 20, kwevhiki ina dzakazara dzinotevera, tichatanga kuparadzira turakiti idzva rine musoro unoti Ungada Kuziva Chokwadi Here? Tiri kutarisira kuti mushandirapamwe uyu uchaitwa munyika yose uchaita kuti kufarira kunoita vanhu Shoko raMwari kuwedzere.—Joh. 17:17.
2 Turakiti racho rinopindura muchidimbu richishandisa Bhaibheri mibvunzo mitanhatu inokosha inoti: “Mwari ane hanya nesu zvechokwadi here?” “Hondo uye kutambura zvichazombopera here?” “Chii chinoitika kwatiri patinofa?” “Pane tariro here nokuda kwevakafa?” “Ndinganyengetera sei zvokuti Mwari anondinzwa?” uye “Ndingafara sei muupenyu?” Machechi echiKristudhomu haasati ambopindura vanhu mibvunzo iyi zvinogutsa. Kunyange vakawanda vasiri vaKristu vanonetseka nenyaya idzi, asi vangave vasingazivi kuti mhinduro dzakajeka dzirimo muBhaibheri. Saka tinotarisira kuti mashoko aya achafarirwa nevanhu vakawanda.
3 Paridzirai Ndima Yenyu Yose: Edzai nepamunogona napo kuparidzira dzimba dzose dziri mundima yenyu. Kana ndima yenyu yakakura, vakuru vangakukurudzirai kusiya turakiti padzimba dzinenge dzisina vanhu pamunotanga kushanya. Yeuka kupa turakiti racho kuvavakidzani, voukama, vaunozivana navo kubasa kana kuchikoro, nevamwe vaunogara uchitaura navo. Zvichida ungaronga kuita upiyona hwebetsero muna October kana November. Une mwana kana kuti munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri ari kufambira mberi angakwanisa kubatana nesu pamushandirapamwe uyu somuparidzi asina kubhabhatidzwa here? Kana aripo, udza vakuru.
4 Zvaungataura: Kuti utaure nevanhu vakawanda, zvakanaka kupfupikisa mharidzo yako. Ingobvunza vanasaimba mumwe wemibvunzo mitanhatu iri pabutiro wovaratidza mhinduro yakanaka iri muturakiti racho. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vose vakwanise kuchinja mharidzo dzavo kuti dzienderane nevanhu vari mundima. Kana munhu akaratidza kuti anofarira, nyora pasi wozodzoka. Pakupera kwevhiki, mungagovera turakiti racho pamwe chete nemagazini epanguva yacho. Kana mushandirapamwe wacho wapera musi waNovember 16, tichagovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Maturakiti anenge asara achangoshandiswa sezvinoitwa mamwe maturakiti ose.
5 Tanga Chidzidzo cheBhaibheri: Turakiti iri rakanyatsogadzirirwa kutibatsira kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Pakudzokera kumunhu akaratidza kufarira, ungabvunza kuti ndechipi chokwadi cheBhaibheri chakamunyaradza. Muratidze seri kweturakiti racho kuri kutaurwa nezvourongwa hwedu hwokudzidzisa vanhu Bhaibheri, wobva wamupa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichiita, dzidza naye ndima imwe chete kana mbiri kwenguva pfupi kubva muchitsauko chinotaura nezvenyaya yaanenge asarudza.
6 Jehovha ari kutsvaka vanoda kumunamata “nomudzimu nechokwadi.” (Joh. 4:23) Tose ngatibatanei nevamwe pamushandirapamwe uyu kuti tibatsire vamwe kuziva chokwadi!