Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi February 1
“Munofunga kuti Mwari anoteerera minyengetero yose here? [Rega apindure.] Onai zvakataurwa naJesu nezvenyaya yacho. [Verenga Mateu 6:7.] Nyaya iyi inofadza inopa mhinduro yomuBhaibheri yemibvunzo mina inogara ichibvunzwa nezvomunyengetero.” Muratidze nyaya inotangira papeji 16.
Awake! February
“Vakawanda vanodavira kuti ramangwana redu muupenyu rakatosarudzwa. Imi munofungei? [Rega apindure.] Maererano nendima ino, tinogona kusarudza zvatinoda. [Verenga Dheuteronomio 30:19.] Nyaya ino inotaura zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuti zvose zvinoitika zvakagara zvarongwa.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.
Nharireyomurindi March 1
“Munofunga kuti zvinhu zvose zvinoitika muupenyu zvakafanosarudzwa here? [Rega apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri nezvazvo. [Verenga Muparidzi 9:11.] Magazini ino inotsanangura kuti, kunyange zvazvo Mwari akafanorongera nyika ramangwana rakajeka, anobvumira mumwe nomumwe wedu kuti asarudze mararamiro aanoda.”
Awake! March
“Mazuva ano vakawanda vari kutambura nokuzvidya mwoyo pamusana pemari, kunyanya munguva dzino dzakaoma mune zvoupfumi. Munobvumirana nazvo here? [Rega apindure.] Onai zano iri rakanaka. [Verenga 1 Timoti 6:8, 10.] Magazini ino inoratidza mirayiro yeBhaibheri inotibatsira kuti tishandise mari yedu zvakanaka nenzira inoita kuti tive nerugare rwomupfungwa.”