Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi April 1
“Zvimwe zvinyorwa zvinotaura kuti Jesu haana kufa semataurirwo azvinoitwa muBhaibheri, asi kuti akaroora akatova nevana. Makambozvinzwawo here? [Murege apindure.] Zvinokosha kuziva chokwadi. [Verenga Johani 17:3.] Nyaya iyi inoratidza zvikonzero zvinoita kuti tivimbe nezvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu.” Muratidze nyaya inotangira papeji 26.
Awake! April
Verenga Pisarema 37:9-11. Zvadaro bvunza kuti: “Munofunga kuti pachazadzika rugwaro urwu nyika inenge yakaita sei? [Murege apindure.] Nyaya ino inokurukura rugwaro urwu runokurudzira chaizvo uye inotsanangura kuti nei munyika makazara uipi kudai.” Muratidze nyaya inotangira papeji 20.
Nharireyomurindi May 1
“Makambozvibvunzawo here kuti nei Mwari achibvumira kutambura? [Murege apindure.] Onai mabvunziro akaita mumwe munyori weBhaibheri mubvunzo unobvunzwa nevanhu vakawanda. [Verenga Pisarema 10:1.] Magazini iyi inoongorora zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pokuti nei Mwari achibvumira kutambura uye zvaari kuita kuti abvise kutambura kwacho.”
Awake! May
“Vakawanda vanoda chaizvo kuti varege kusvuta asi zviri kuvaomera. Pane wamunozivawo here anoda kurega kusvuta? [Murege apindure.] Vamwe vakaona zvichishanda kukumbira hama neshamwari kuti dzivabatsire kuti varege kusvuta. [Verenga Muparidzi 4:12a.] Magazini iyi inopa mazano anoshanda kubatsira munhu kuti arege kusvuta.”