Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi March 1
“Zvingava zvakaoma kuita zvakanaka vamwe pavanenge vachida kuti tiite zvakaipa. Munofunga kuti chii chingatibatsira kudzivisa kuita izvozvo? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 29:25.] Nyaya ino inoratidza zvikonzero zvishanu nei tichifanira kutya kugumbura Mwari pane kutya kugumbura vanhu.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.
Awake! March
“Tose zvedu tinoda kuva neshamwari dzakanaka. Unhu hupi hwamunokoshesa pashamwari. [Rega apindure.] Onai zvinotsanangurwa neBhaibheri pano. [Verenga Zvirevo 17:17.] Nyaya ino ine mazano anobatsira kusarudza shamwari dzakanaka uye kuti tingavawo sei shamwari dzakanaka kune vamwe.” Muratidze nyaya inotangira papeji 18.
Nharireyomurindi April 1
“Munotii nezvemashoko aya aJesu? [Verenga Johani 3:3.] Munofunga kuti zvinorevei kuberekwazve? [Rega apindure.] Kunzwisisa zvakarurama mashoko aJesu kune zvakunoita muupenyu hwedu uye zvatinotarisira mune ramangwana. Magazini ino inotsanangura chikonzero chacho.”
Awake! April
“Zvinoita sokuti vana vechikoro vazhinji vari kunetseka mupfungwa. Munofunga kuti zvinhu zvachinja here pane zvaiitika mumazuva evabereki vavo? [Rega apindure.] Kungonetseka-netseka mupfungwa kungakanganisa munhu. [Verenga Muparidzi 7:7a.] Magazini ino inokurukura kuti vanhu vakuru vangabatsira sei vechiduku kukurira dambudziko racho.”