Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi May 1
“Nyika yaizova yakasiyana sei kudai munhu wose aiita izvi zvakataurwa naJesu? [Verenga Mateu 7:12. Wadaro, murege apindure.] Nyaya iyi inokurukura dzimwe dzedzidziso dzaJesu dzinoratidza zvinonyatsoita kuti munhu ave muKristu.” Muratidze nyaya inotangira papeji 16.
Awake! May
“Munofunga kuti mamiriro ezvoupfumi aripo aya achaita zviri nani here munguva pfupi? [Murege apindure.] Vakawanda havazivi nezvokubatsirwa kwatingaita neBhaibheri munguva dzakaoma kudaro. [Verenga rugwaro ruri munyaya yacho.] Nyaya iyi inoratidza kubatsirwa kwatingaita nemazano ari muBhaibheri mamiriro ezvoupfumi paanenge asina kutsarukana.” Muratidze nyaya inotangira papeji 18.
Nharireyomurindi June 1
“Kusiyana nemakore akapfuura, machechi akawanda iye zvino haatauri nezvechivi. Imi munofunga kuti nyaya yechivi ndeyechinyakare here kana kuti inyaya yatinofanira kuva nehanya nayo? [Murege apindure. Wadaro, verenga VaRoma 5:12.] Magazini ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvechivi.”
Awake! June
“Zvinoita sokuti upenyu huri kungoramba huchitemesa vanhu misoro. Munobvumirana nazvo here? [Rega apindure.] Vakawanda vanofunga kuti mashoko aya anopa chikonzero chimwe chete nei vanhu vari kutenderera misoro zvakadai. [Verenga 2 Timoti 3:1.] Magazini ino inokurukura kuti kutenderera musoro kunotikanganisa sei. Inopawo mazano okuti tingaita sei kuti tisanyanya kutenderedzwa musoro.”