RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/09 pp. 4-7
  • Wagadzirira Nokuda Kwemabiko Ezvokunamata Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wagadzirira Nokuda Kwemabiko Ezvokunamata Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Nguva Yokudya Mune Zvokunamata Uye Yokufara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Magungano Eruwa—Nguva Yokunamata Kunofadza
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mazuva Matatu Okuzorodzwa Mune Zvokunamata
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Tevera Kristu Nokuzvibata Zvinoremekedzeka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 4/09 pp. 4-7

Wagadzirira Nokuda Kwemabiko Ezvokunamata Here?

1. Mabiko anogadzirirwa sei?

1 Mabiko anoda kugadzirirwa zvakanyanya. Zvokudya zvinofanira kutsvakwa, zvonyatsokaringwa, zvopiwa vanhu. Panofanira kurongwawo kuti zvokudya zvacho zvichapiwa vanhu sei. Uyewo, nzvimbo ichadyirwa zvokudya zvacho inofanira kugadzirwa. Vaeni vanofanirawo kugadzirira, kunyanya kana vachizofamba kuenda kumabiko acho. Kunyange zvazvo zviine basa rakawanda, kunakirwa nezvokudya zvinovaka muviri pamwe neshamwari nemhuri chinhu chinogutsa. Munguva iri pedyo, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zaavichaungana mumapoka makuru nemaduku kuti zvinakirwe nemabiko azvakamirira ane chokuita nokunamata. Mabiko iwayo iGungano Reruwa rinoti “Rambai Makarinda!” Basa rakawanda rakatoitwa pakugadzirira pureeogiramu nezvimwe zvinhu. Tose zvedu takakokwa. Kuti tivepo uye tibatsirwe chaizvo, isuwo tinofanira kugadzirira somunhu oga oga.—Zvir. 21:5.

2. Kuvapo papurogiramu yose yegungano kunodei?

2 Batsirwa Chaizvo: Wakapedza kugadzirira here kuti uvepo pagungano racho rose? Kana uchifanira kutaura newaunoshandira, muudze kuti uchanopinda purogiramu yose yegungano, kusanganisira zuva rokutanga. Wakapedza urongwa hwechokufambisa uye hwepokugara here? Vakuru vanofanira kuva nechokwadi chokuti urongwa hwokubatsira vakwegura uye ndonda pamwe nevamwe vangada rubatsiro hwaitwa.—Jer. 23:4; VaG. 6:10.

3. Nei tisingafaniri kunopinda gungano renyika dzakawanda ratisina kukokwa?

3 Dzimwe nzvimbo dzichava nemagungano enyika dzakawanda. Yeukai kuti pane ungano uye nhume dzokune dzimwe nyika vakaita zvokukokwa kumagungano aya. Pakuronga izvi, hofisi yebazi yakanyatsoronga uwandu hwevakakokwa, ichifunga nezvepokugara uye dzimba dzomuhotera dziripo. Kana vaparidzi vakanopinda gungano renyika dzakawanda ravasina kukokwa vanhu vachawandisa.

4. Zviyeuchidzo zvipi zvichatibatsira kugadzirira kutanga purogiramu zuva roga roga?

4 Ronga kukurumidza kusvika pagungano zuva roga roga kuti uwane pokugara purogiramu isati yatanga. Shandisa maminitsi mashomanana purogiramu isati yatanga kutarira zviri papurogiramu yacho. Izvi zvichakubatsira kugadzirira mwoyo wako kugamuchira mashoko achakurukurwa. (Ezra 7:10) Sachigaro paanosuma mumhanzi, nakidzwa nokuuteerera wobva wagadzirira kuimbawo rwiyo rwokuzarura uye kuteerera munyengetero.

5. Mhuri yedu ingabatsirwa sei zvakanyanya nepurogiramu?

5 Kana vomumhuri vakagara pamwe chete pagungano, vabereki vachava nechokwadi chokuti vana vavo vari kunyatsoteerera purogiramu. (Dheut. 31:12) Tose tinokurudzirwa kuvhura maBhaibheri edu magwaro zvaanoverengwa. Kunyora pfungwa pfupi kungakubatsira kunyatsoteerera. Pava paya, zvaunonyora zvichakubatsira kuyeuka pfungwa dzinokosha dzehurukuro. Rwisa muedzo wokungoda kutaura-taura mukati mepurogiramu kana kuti kusimuka paunenge ugere. Kana une nhare yeserura, usaita kuti ikuvhiringidze kana kuvhiringidza vamwe. Panopera zuva regungano roga roga, wadii kukurukura nevamwe zvinenge zvakunakidza papurogiramu yacho?

6. Ndechipi chimwe chinhu chakanaka zvikuru pamagungano edu, uye tinganyatsonakidzwa sei nacho?

6 Pagungano reruwa, tine mukana wokuva noushamwari hwepedyo nehama dzedu nehanzvadzi, izvo zvisingaitiki munyika. (Pis. 133:1-3; Mako 10:29, 30) Zvingava zvakanaka kuvavarira kuzvisuma kune vagere pedyo newe wokurukura navo panguva yezvokudya zvemasikati. Izvi ndizvo zvakanakira kuuya nezvokudya zvakareruka uye kusabva pari kuitirwa gungano uchienda kuresitorendi. Iva nechokwadi chokuti hauzorasikirwi nomukana wakadaro wokukurudzirana.—VaR. 1:11, 12.

7. Tinofanira kugadzirirei panyaya yezvatichapfeka?

7 Zvokupfeka: Zvinokosha kuti Jehovha akarayira vaIsraeri kuisa masa pamupendero wenguo dzavo, netambo yebhuruu pamusoro pemasa yacho. (Num. 15:37-41) Ichi chaiva chiratidzo chinooneka chokuti vaiva vanhu vakatsaurwa kuti vanamate Jehovha. Mazuva ano, zvatinopfeka zvine mwero izvo zvinoratidza ruremekedzo patinenge tiri pagungano zvinotisiyanisa nenyika. Zvinopupurira chaizvo kune vanoona kunyange patinoenda kunodya kumaresitorendi purogiramu yapera. Saka, nyatsofunga pachine nguva nezvezvauchapfeka.

8. Tingapupurira sei kuvamwe patinenge tiri muguta riri kuitirwa gungano?

8 Pupurira: Kana tikafanofunga zvokutaura, tingakwanisa kupupurira vanhu patinenge tiri muguta riri kuitirwa gungano. Imwe hama payakaenda kuresitorendi nomudzimai wayo purogiramu yapera, yakangonongedza bheji rayo regungano ndokubvunza hweta kuti: “Mamboona vanhu vakawanda vaine mabheji aya here?” Hweta wacho akati akanga avaona uye akanga ashamisika nazvo. Izvi zvakaita kuti vakurukure, uye hama yacho yakamukoka kugungano.

9. Tingaratidza sei kuonga anotikoka, iye Jehovha?

9 Kunyange zvazvo hama dzedu dzichizokurukura hurukuro dzose, dzichizobvunzurudza vamwe, uye dzichizoenzanisira, Jehovha, Baba vedu vokudenga, ndiye Anotipa norudo mabiko aya egore negore. (Isa. 65:13, 14) Tinoratidza kuonga anenge atikoka nokuvapo mazuva ose uye kunyatsoteerera zvose zvichakurukurwa. Wakapedza kugadzirira here kuti udaro?

[Bhokisi riri papeji 6]

Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa

◼ Nguva Dzepurogiramu: Purogiramu ichatanga na9:20 mangwanani musi weChishanu neMugovera. Musi weSvondo ichatanga na8:20 mangwanani. Panosumwa mumhanzi, tose zvedu tinofanira kunge tagara pasi kuitira kuti purogiramu itange zvakarongeka zvinokudza Jehovha. Musi weChishanu neMugovera purogiramu ichapera na4:55 masikati uye musi weSvondo ichapera na3:00 masikati. Kana ari magungano enyika dzakawanda, musi weChina purogiramu ichatanga na1:20 masikati uye ichapera na4:45 masikati.

◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano, nzvimbo dzokupaka motokari dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Vanhu vakaremera chete ndivo vachabvumirwa kupaka panzvimbo dzavakachengeterwa. Sezvo nzvimbo dzokupaka dzinenge dziri shoma, vaya vanokwanisa kushandisa motokari imwe ngavasati uyu yake uyu yake.

◼ Kubata Nzvimbo: Munogona kubatira nzvimbo vaya vamunenge muri kufamba navo mumotokari imwe chete kana kuti vaya vamunenge muchigara navo kumba.

◼ Zvokudya Zvemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano muchinotsvaka zvokudya panguva yokuzorora. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, uye midziyo yemagirazi hazvibvumirwi panoitirwa gungano.

◼ Mari Yezvipo: Tingaratidza kuti tinoonga urongwa hwegungano nokupa mari yezvipo nokuzvidira yokutsigira basa romunyika yose. Izvi tingazviita paImba yedu yoUmambo kana kuti pagungano. Cheki dzose dzinonyorwa pagungano dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower Society.”

◼ Tsaona uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: Kana munhu akarwara, achida kukurumidza kutarisirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uye iye achazivisa veFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vanenge varipo vakanyatsodzidziswa kubatsira vaone kukomba kwemamiriro acho ezvinhu vobatsira. Kana zvakakodzera, veFirst aid vachadaidza chiremba.

◼ Shangu: Gore negore vanhu vakawanda vanokuvara pamusana peshangu. Zvakanaka kusarudza shangu dziri pakati nepakati dzinonyatsokwana, dzinoita kuti munhu akwanise kufamba zvisina ngozi pamasitepisi nepadzimwe nzvimbo dzakada kudaro.

◼ Kurekodha: Zvokurekodhesa zvose hazvifaniri kupfekerwa kana kubatanidzwa nemagetsi epanoitirwa gungano kana kuti negudzanzwi, asi zvingangoshandiswa nenzira isingavhiringidzi vamwe.

◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Vaparidzi vanofanira kuuya nefomu iri rimwe chete kana maviri kugungano. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yokwenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaFebruary 2005 p. 6.

◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kugara kumba kwevamwe here? Kurangarira zviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisire kuti muridzi wepamba pauchange uchigara achakupa zvokudya zvemahara kunyange zvazvo iri hama yechiKristu. (2) Ratidza kushivirira uye kuremekedza muridzi wepamba paunenge uchigara paanenge achiedza kukupa pokugara. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vakasatarisirwa vanogona kutamba kana kuti kumhanya-mhanya mugadheni vachiparadza maruva uye vangapinda mudzimba dzavasingafaniri kupinda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanyisa, vachivhiringa mhuri yepo kana kuti vavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira kuitira kuti mufambiro wavo ukudze Jehovha.—Zvir. 29:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe