Mazuva Matatu Okuzorodzwa Mune Zvokunamata
1. Chii chatingatarisira kuzowana pagungano reruwa regore rino?
1 Munyika ino yaSatani yakatsva mune zvokunamata, Jehovha anoramba achizorodza vashumiri vake. (Isa. 58:11) Chimwe chinhu chinoshandiswa naJehovha kuti atisimbise igungano reruwa rinoitwa gore negore. Sezvo gungano regore rino riri kuswedera pedyo, tingagadzirira sei kuti tigamuchire uye tipewo vamwe zororo mune zvokunamata?—Zvir. 21:5.
2. Zvii zvatingada kupedzisa kugadzirira?
2 Wana nguva iye zvino yokuti uronge purogiramu yako uye yokubasa kwako kuti uzovapo kwemazuva ose matatu egungano reruwa, kana wanga usati waita kudaro. Wati waziva here kuti uchada nguva yakawanda zvakadini kuti ufambe kuenda kunzvimbo ichaitirwa gungano zuva rimwe nerimwe, kuti usvike uye uwane pokugara usingamhanyi mhanyi purogiramu isati yatanga? Hatingambodi kupotsa zvimwe zvokudya zvokunamata zvinosimbisa zvatakagadzirirwa naJehovha! (Isa. 65:13, 14) Makatoronga kare here pokugara uye chokufambisa?
3. Zvii zvatingaita isu nemhuri dzedu kuti tinyatsobatsirwa nepurogiramu?
3 Chii chingabatsira pfungwa dzako kuti dzisadzungaira panguva yepurogiramu? Kana zvichiita, wana nguva yakawanda yokuzorora usiku humwe nehumwe pamazuva egungano. Tarisa mukurukuri. Verenga rugwaro rumwe norumwe muBhaibheri rako. Nyora tumanotsi tushoma. Mhuri dzingaita zvakanaka kugara pamwe chete kuti vabereki vabatsire vana vavo kunyatsoteerera. (Zvir. 29:15) Zvichida manheru mamwe nemamwe munogona kukurukura pfungwa huru dzepurogiramu pamwe chete semhuri. Kuitira kuti mhuri yenyu irambe ichizorodzwa kunyange pashure pegungano, munogona kuita kuti pamanheru enyu Okunamata Kwemhuri muve nenguva yokukurukura dzimwe pfungwa dzingashandiswa nemhuri yenyu.
4. Tingabatsira sei vamwe vari muungano medu kuti vazorodzwewo mune zvokunamata?
4 Batsirawo Vamwe Kuti Vazorodzwe: Tinoda kuti vamwe vazorodzwewo nemagungano. Muungano menyu mune vaparidzi vakwegura kana kuti vanoda rubatsiro rwokuti vapinde gungano here? Ungakwanisa kuvabatsira here? (1 Joh. 3:17, 18) Vakuru, kunyanya vatariri vemapoka, vanofanira kuona kuti vaparidzi vakadaro vawana rubatsiro rwavanoda.
5. Tichaparadzira sei mapepa okukokera vanhu kugungano? (Onawo bhokisi riri pamusoro apa.)
5 Sezvatagara tichiita, mavhiki matatu gungano risati ratanga, tichaita mushandirapamwe wokukoka vamwe kuti vapindewo. Ungano dzinofanira kuva nechinangwa chokuparadzira mapepa adzo okukoka uye kufukidza chikamu chendima yavo chakakura sezvinobvira. Kana mhuri yenyu iine mapepa okukoka anenge asara pamushandirapamwe, uyai nawo kugungano kuti muashandise pamunenge muchiparidza zvisina kurongwa. Mimwe mirayiridzo yokuita izvi ichapiwa musi weChishanu pagungano. Mapepa okukoka anenge asara ayo mhuri yenyu isingatarisiri kuzoshandisa pamunenge muri munzvimbo ichaitirwa gungano anofanira kupiwa kumurindiri pamunopinda panzvimbo ichaitirwa gungano. Tapota chengetai kopi imwe chete yenyu, nokuti muchazoda kuishandisa pahurukuro yokupedzisira yemusi weSvondo.
6. Tingaratidza sei tsika dzakanaka pagungano?
6 Tsika Dzakanaka Dzinozorodza: Zvinozorodza zvikuru kuva pane vaKristu vatinonamata navo vanoedza kuratidza tsika dzakanaka nokuti nguva yatiri kurarama, vanhu vakawanda “vanozvida” uye havambofungi nezvemanzwiro evamwe vanhu! (2 Tim. 3:2) Tinoratidza tsika dzakanaka nokupinda panzvimbo inenge ichiitirwa gungano zvine rugare uye zvakarongeka panovhurwa nzvimbo yacho mangwanani uye nokuchengetera pokugara vaya chete vatiri kugara navo kumba kwedu kana kuti vatinenge tichifamba navo mumotokari imwe chete kana vatinodzidza navo Bhaibheri. Tinotevedzera zvinenge zvataurwa nasachigaro paanotikumbira kuti tigare pazvigaro zvedu kuti titeerere mimhanzi yokutanga purogiramu. Zvinoratidza kuva netsika dzakanaka kana tikaita kuti foni yedu kana kuti peja isavhiringidza vamwe panguva yepurogiramu. Tinoratidzawo tsika dzakanaka nokusataura, kutumira mameseji, kudya, kana kuti kufamba-famba zvisina chinangwa panguva yepurogiramu.
7. Tingawana sei zororo uye tingazorodzawo sei hama dzedu patinenge tichishamwaridzana nadzo?
7 Ushamwari Hunozorodza: Magungano anotipa mukana wakazokura wokuti tinakidzwe nokubatana uye ukama hwechiKristu hunozorodza. (Pis. 133:1-3) Wadii watanga iwe ‘kuwedzera’ kuva noushamwari kuhama nehanzvadzi dzinenge dziripo dzichibva kune dzimwe ungano? (2 VaK. 6:13) Unogona kuva nechinangwa chokuti zuva rimwe nerimwe uzivane nemunhu mumwe chete zvake wausingazivi kana kuti mhuri yausingazivi. Kuzorora kwemasikati kunotipa mukana wakanaka wokuita izvi. Saka ngatiendei nezvokudya zvakareruka uye todya nokushamwaridzana nevamwe panzvimbo inenge ichiitirwa gungano pane kuti tibve tichienda kunotenga zvokudya kana kuti kunodyira muresitorendi inenge iri pedyo. Izvi zvingaita kuti tiwane chikomborero chokuva neshamwari itsva uye ushamwari hwenguva refu.
8. Nei tichifanira kuzvipira kuita basa pagungano, uye tingazviita sei?
8 Zvinozorodza zvikuru kushanda pamwe chete nevatinonamata navo mubasa dzvene! Ungazvipira here kuti ubatsire mune rimwe dhipatimendi kana kuti kubatsira ungano yenyu pakuita basa rokuchenesa? (Pis. 110:3) Kana usati wava nebasa rauchange uchizoita, tapota fungawo nezvokunotaura neDhipatimendi reVazvipiri pagungano. Kana vashandi vakawanda, basa rinonakidza uye rinoreruka.
9. Nei tichifanira kuva nehanya zvikuru nemufambiro wedu uye mapfekero edu panguva yegungano?
9 Mufambiro Wedu Unozorodza Vanotiona: Tinenge tauya kuzopinda gungano kwemazuva ose ari matatu, kwete bedzi panguva yepurogiramu. Vaya vanotiona tiri muguta rinenge richiitirwa gungano vanofanira kuona kusiyana kwatakaita nevanhu vasiri Zvapupu. (1 Pet. 2:12) Mapfekero edu uye kushambidzika kwatinenge takaita tiri panzvimbo yatinenge tichiitira gungano, panzvimbo yatinenge tichigara, uye pamaresitorendi zvinofanira kukudza Jehovha. (1 Tim. 2:9, 10) Kana tiine mabheji edu vaya vachationa vachaziva kuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Izvi zvingatipa mukana wokuvaudza nezvegungano uye kupa uchapupu.
10. Zvii zvakaitika zvinoratidza uchapupu hwakanaka hunobva pakuva kwedu nomufambiro wechiKristu?
10 Mufambiro wedu wakanaka panguva yegungano unoita kuti vamwe vatione sei? Maererano nerimwe pepanhau, maneja weimwe nzvimbo inoshandiswa kuitira magungano akataura kuti: “Vanhu vacho vane tsika dzakanaka. Tinofara kuva navo gore rimwe nerimwe.” Gore rapera mumwe murume asiri Chapupu akarasa chikwama pahotera yaishandiswa nevainge vauya kugungano. Chikwama chacho pachakadzorerwa kuna maneja wehotera chiine zvese zvanga zvirimo, maneja wacho akaudza muridzi wacho kuti: “Zvatonaka kuti Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichiitira gungano razvo pedyo, uye zvange zvakazara pano. Dai zvisirizvo pamwe chingadai chisina kudzorerwa.”
11. Sezvo gungano riri kuswedera, ndechipi chinofanira kuva chinangwa chedu, uye nei?
11 Magungano eruwa egore rino ari kuswedera pedyo. Nguva yakawanda uye simba zvakapedzerwa mukuita kuti purogiramu uye zvichaitika pagungano zvive zvinozorodza. Iva nechinangwa chokuvapo kwemazuva ose ari matatu, uye gadzirira kuteerera zvawakachengeterwa naJehovha nesangano rake. Tsunga kuzorodza vamwe netsika dzako dzakanaka, ushamwari hunofadza, uye mufambiro wakanaka. Uye iwe nevamwe munganzwa sezvakaita mumwe akapinda gungano gore rapera akanyora kuti, “Hapana chimwe chiitiko chandinoyeuka chinofadza kupfuura ichocho!”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Sezvatagara tichiita, mavhiki matatu gungano risati ratanga, tichaita mushandirapamwe wokukoka vamwe kuti vapindewo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Mapfekero edu uye kushambidzika kwatinenge takaita tiri panzvimbo yatinenge tichiitira gungano, panzvimbo yatinenge tichigara, uye pamaresitorendi zvinofanira kukudza Jehovha
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Tsunga kuzorodza vamwe netsika dzako dzakanaka, ushamwari hunofadza, uye mufambiro wakanaka
[Bhokisi riri papeji 4-7]
Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa ra2011
◼ Nguva Dzepurogiramu: Purogiramu ichatanga na9:20 mangwanani musi weChishanu neMugovera uye musi weSvondo ichatanga na8:20 mangwanani. Panosumwa mumhanzi, tose zvedu tinofanira kunogara pasi kuitira kuti purogiramu itange zvine ruremekedzo. Musi weChishanu neMugovera purogiramu ichapera na4:55 masikati uye musi weSvondo ichapera na2:40 masikati.
◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano, nzvimbo dzokupaka motokari dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Motokari dzakatakura vanhu vakaremara chete ndidzo dzichabvumirwa kupaka panzvimbo yavakachengeterwa. Sezvo nzvimbo dzokupaka dzichiwanzova shoma, vaya vanokwanisa kushandisa motokari imwe ngavasati uyu yake uyu yake.
◼ Kubata Nzvimbo: Munogona kubatira nzvimbo vaya chete vamunenge muchigara navo kumba muchifamba navo mumotokari imwe chete, kana vaya vamuri kudzidza navo Bhaibheri.—1 VaK. 13:5.
◼ Zvokudya Zvemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano muchinotsvaka zvokudya panguva yokuzorora. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, uye midziyo yemagirazi hazvibvumirwi panoitirwa gungano.
◼ Mari Yezvipo: Tingaratidza kuti tinoonga urongwa hwegungano nokupa mari yezvipo nokuzvidira yokutsigira basa romunyika yose pagungano. Cheki dzose dzinofanira kunyorwa kuti “Watchtower Society.”
◼ Tsaona Uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: Kana munhu akarwara, achida kukurumidza kutarisirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uye iye achazivisa veFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vakanyatsodzidziswa vaone kuti urwere hwacho hwakamira sei vobatsira. Kana zvakakodzera, veFirst Aid vachadaidza amburenzi kana kuendesa anenge achirwara wacho kuchipatara chinenge chiri pedyo.
◼ Mishonga: Kana muine mushonga wamakanzi nachiremba mushandise, tapota ivai nechokwadi chokuti mauya nemushonga wakakwana nokuti pagungano panenge pasina.
◼ Shangu: Gore negore vanhu vakawanda vanokuvara pamusana peshangu. Zvakanaka kusarudza shangu dziri pakati nepakati dzinonyatsokwana, dzinoita kuti munhu akwanise kufamba zvisina ngozi pamasitepisi nepadzimwe nzvimbo dzakada kudaro.
◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Vaparidzi vanofanira kuuya nefomu rimwe chete kana maviri kugungano. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaNovember 2009 peji 4.
◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kugara kumba kwevamwe here? Kuita maererano nezviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisire kuti muridzi wepamba pauchange uchigara achakupa zvokudya zvemahara kunyange zvazvo iri hama yechiKristu. (2) Iva nomwoyo murefu uye remekedza muridzi wepamba paunenge uchigara paanenge achiedza kugarisana newe. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vakasatarisirwa vanogona kutamba kana kuti kumhanya-mhanya mugadheni vachitsika-tsika maruva uye vangapinda mudzimba dzavasingafaniri kupinda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanyisa, vachivhiringa mhuri yepo nevavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira kuitira kuti mufambiro wavo ukudze Jehovha nguva dzose.—Zvir. 29:15.
◼ Basa Rokuzvipira: Kana tikazvipira kuti tibatsire pabasa rinenge richida kuitwa pagungano, tichafara zvokufara zviya. (Mab. 20:35) Vose vanoda kuzvipira kushanda vanofanira kuenda kudhipatimendi reVazvipiri rinenge riri pagungano. Vana vari pasi pemakore 16 vanogona kubatsirawo nokushanda pamwe chete nevabereki vavo kana kuti mumwe munhu mukuru anovatarisira.
[Bhokisi riri papeji 5]
Tichagovera Sei Mapepa Okukokera?
Kuti tipedze ndima yedu hatifaniri kuwanza zvokutaura. Tingataura seizvi: “Kwaziwai. Tiri kuitawo basa riri kuitwa munyika yose rokukoka vanhu tichishandisa pepa iri. Iri nderenyu. Mamwe mashoko akawanda muchaawana papepa racho.” Pepa racho rakagadzirwa kuti rikwezve vanhu vanoona, saka tambidza saimba uchiita kuti aone zvarakaita pamberi paro. Ratidza kuti uri kufara. Patinenge tichiita basa rokuparadzira mapepa okukokera pakupera kwevhiki, magazini anofanirawo kugoverwa pazvinenge zvakakodzera.