RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/09 p. 1
  • Purogiramu Yezuva Regungano Chairo ya2010

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yezuva Regungano Chairo ya2010
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Urongwa Hutsva Hwokudzokorora Purogiramu Dzemagungano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Shoko raMwari Rine Simba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 8/09 p. 1

Purogiramu Yezuva Regungano Chairo ya2010

1. (a) Mumakore achangobva kupfuura, magungano chaiwo ezuva rimwe aiva nemisoro ipi inobva muMagwaro? (b) Pane here pfungwa huru dzamakawana pamagungano chaiwo ezuva rimwe dzakanyanya kukubatsirai muushumiri?

1 “Iva Nechokwadi Chokuti Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe Ndezvipi,” “Kumira Takatsiga Seboka Rimwe,” “Ramba Uchipupurira Zvokwadi,” uye “Isu Tiri Ivhu—Jehovha Muumbi Wedu.” (VaF. 1:9, 10, 27; Joh. 18:37; Isa. 64:8) Iyi inongova misoro mishomanana yemagungano chaiwo ezuva rimwe akaitwa munguva yakapfuura. Une chido chokupinda zuva regungano chairo regore rebasa ra2010 here? Richange rine musoro unobva pana 1 VaKorinde 7:29, unoti: “Nguva Yasara Ipfupi.”

2. Mungava sei nechido chokupinda gungano iri?

2 Tangai kutaura nezvezuva regungano chairo nechido panongoziviswa musi wacho muungano yenyu. Vamwe vabereki vanobatsira vana vavo kutarisira kuuya kwegungano nokunyora musi wacho pakarenda inoshandiswa nemhuri uye vanonyorawo zvinhu zvichadiwa, vopota vachiverenga mazuva anenge asara kusvikira musi wacho wasvika. Pamanheru oKunamata Semhuri, mungada kudzokorora zvamakanyora pamagungano ezuva rimwe akapfuura. Mungagadzirirawo mwoyo yenyu nokuda kwechiitiko ichi nokudzokorora Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, mapeji 13-16, kuti mhuri ibatsirwe ‘kuchenjerera kuteerera kwainoita.’—Ruka 8:18.

3. Tingabatsirwa sei chaizvo nezvichakurukurwa?

3 Shandisai Zvamunodzidza: Kakawanda gungano parinopera vanhu vanoti, “Purogiramu yacho yange yakazonaka!” Izvozvo zvinogarova zvechokwadi, nokuti uhwu ndohumwe hwourongwa hwaJehovha hunobatsira chaizvo. (Zvir. 10:22) Asi kuti mashoko acho abatsire, munofanira kuafungisisa moramba muchiayeuka. (Ruka 8:15) Gungano parinenge rapera, mava kudzokera kumba, wanai nguva yokukurukura purogiramu yacho semhuri kana kuti nevaya vamunenge muchifamba navo mumotokari. Kurukurai zvinangwa zvomumwe nomumwe uye pfungwa dzichakubatsirai muushumiri. Kuita izvozvo kuchaita kuti mubatsirwe nemashoko acho kwenguva refu gungano rapera.—Jak. 1:25.

4. Nei gungano iri richatibatsira?

4 Pose patinopiwa chipo chinobatsira chaizvo tinonzwa tichikosha. Hatitarisiri mberi here nechido kune zvatichapiwa naJehovha pazuva regungano chairo? Tingava nechokwadi chokuti zvichatibatsira muzvose. Tingatarisira kupiwa naBaba vedu vokudenga Jehovha, chipo chakakodzera. Chipo ichocho kukurudzirwa uye kudzidziswa kuita basa ravakatipa.—2 Tim. 4:2; Jak. 1:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe