‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’
1. Zuva regungano chairo regore rino rakakubatsira sei uye rakabatsira sei vamwe?
1 Mushure mokunge tapinda zuva regungano chairo, tinowanzoti, “Gungano iri ranyatsouya panguva chaiyo!” Mumwe mutariri wedunhu akati, purogiramu yezuva regungano chairo yegore rino payakapera, vamwe vemudunhu rake vakaratidza chido chokuwedzera basa ravo rokuparidza. Mumwe mutariri anofambira akati, “Rakatibatsira kuti tinyatsofungisisa nezvemararamiro edu uye kuziva kuti tava papi kana tichifunga nezvenguva yatiri.” Mumwezve akati, “Vaparidzi vakawanda vakaratidza kuti gungano iri rakaita sokunge ravamutsa, kuti vave nechokwadi chokuti vari kuisa pfungwa dzavo pabasa rinonyanya kukosha, basa rokuparidzira.” Ko iwe wakabatsirwa sei nezuva regungano chairo?
2. Chii chichakurukurwa papurogiramu yegore rebasa rinouya?
2 Purogiramu yegore rebasa rinouya ichange yakakodzeranawo nenguva. Musoro wacho unobva muna Pisarema 118:8, 9, uchange uchiti “Potera kuna Jehovha.” Idzi ndidzo dzimwe dzenyaya dzichakurukurwa: “Jehovha Inhare Munguva Dzokutambudzika, Sei?,” “Batsira Vamwe Kuti Vapotere Mumapapiro aJehovha,” “Tevedzera Jehovha Pakuita Kuti Vamwe Vawane Pekupotera,” “Vechiduku, Vimbai naJehovha!” uye “Paradhiso Yevanhu vaMwari—Urongwa hwaJehovha Hwokudzivirira.”
3. Tingaitei kuti tinyatsobatsirwa patinenge tichipinda gungano?
3 Kuti Ubatsirwe: Pamunenge mangoudzwa musi wacho, rongai kuti muvepo, uye kokai vamunodzidza navo Bhaibheri kuti vauyewo. Kuti ‘tibereke zvibereko nokutsungirira,’ tinofanira kuchengeta zvatinonzwa. (Ruka 8:15) Saka nyatsoteerera purogiramu yacho, uye papfungwa dzinokosha dzinenge dzataurwa iva nezvaunonyora zvishoma pamwe chete nezvaunoda kuzoshandisa muupenyu hwako uye muushumiri. Gungano rapera imbovai nenguva semhuri yokukurukura zvinenge zvataurwa, uye onai zvamungaita pamwe nemhuri yenyu kuti muite zvinenge zvataurwa.
4. Nei tichifanira kutarisira kuzonakidzwa nezuva regungano chairo riri kuuya?
4 Kungofanana nezvekudya zvinonaka zvinovaka muviri, hama dzakanyatsofunga nezvedu norudo pakugadzirira zuva regungano chairo regore rino. Dai Jehovha akakomborera zvose zvauchaita kuti uripinde uye ubatsirwe ‘nezvokudya panguva yakakodzera’ zvinosimbisa vashumiri vaMwari pakunamata.—Mat. 24:45.