Zvokutaura Maererano neMagazini
Nharireyomurindi November 1
“Munofunga kuti ngirozi dzinofarira zvatinoita here? [Murege apindure.] Bhaibheri rinotaura mashoko aya anonakidza. [Verenga Ruka 15:10.] Nyaya iyi inokurukura zvakataurwa naJesu kuti zvisikwa zvomudzimu zvingatibatsira kana kutikuvadza sei.” Muratidze nyaya inotangira papeji 16.
Awake! November
Verenga 2 Timoti 3:16. Wadaro, ibva wati: “Munobvuma here kuti tinogona kuvimba nezvose zvinotaurwa neBhaibheri? [Murege apindure.] Nyaya iyi inokurukura kana zvokuchera matongo uye nhoroondo dzezvakaitika kare zvichitsigira zvinotaurwa neBhaibheri nezveIjipiti yekare.” Muratidze nyaya inotangira papeji 15.
Nharireyomurindi December 1
“Vanhu vakawanda vanodavira kuti kune zvisikwa zvomudzimu zvine zvazvinoita paupenyu hwedu. Munofungei? [Murege apindure. Wadaro, ibva waverenga Zvakazarurwa 12:7-9.] Magazini iyi inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvezvisikwa zvomudzimu, zvazvinoita kwatiri uye kana tichikwanisa kutaura nazvo.”
Awake! December
“Makambozvibvunza here kuti nei Kirisimasi ichipembererwa pana December 25 iro Bhaibheri risingatauri kuti Jesu akaberekwa rini? [Murege apindure.] Maererano nendima ino, Jesu haagoni kunge akaberekwa muchando. [Verenga Ruka 2:8.] Magazini ino inobudisa pachena kwakabva dzimwe tsika dzakakurumbira dzeKirisimasi.”