Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi July 1
“Vakawanda vedu hatinyatsozivi zvokutaura kushamwari yedu inenge yava nenguva ichirwara kana kuti inenge ichirwara zvokufa. Munofungei nezvezano iri? [Verenga Jakobho 1:19. Murege apindure.] Nyaya ino ine mazano anobatsira anoverengeka anobva muBhaibheri.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Awake! July
“Vakadzi vanofanira kugadzwa sevashumiri here? [Murege apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri nezvemumwe mukadzi. [Verenga VaRoma 16:1.] Asi imwe ndima inoti vakadzi vanofanira kuramba vakanyarara muungano. Saka Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyi? Magazini iyi inotsanangura zvarinotaura.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi August 1
“Vanhu vakawanda vanotya kuti hondo yenyukireya kana kuti kuchinja kwemamiriro okunze zvichakanganisa nyika kana kuti kuiparadza. Imi munofunga kuti zvichazomboitika here? [Murege apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri nezvenyaya iyi. [Verenga Zvakazarurwa 11:18.] Magazini iyi inopindura mibvunzo mina inowanzobvunzwa nevanhu nezvemugumo.”
Awake! August
“Pamwe Zvapupu zvaJehovha zvakatombotaura nemi. Makamboshamisikawo here kuti sei tichiramba tichienda mudzimba dzevanhu kunyange vakawanda vacho vasingafariri mashoko edu? [Murege apindure. Zvadaro verenga Mateu 24:14.] Tinoona kuti vakawanda vanoziva zvisizvo nezvedu. Magazini iyi inotsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha ndivanaani.”