Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi July 1
“Munofunga kuti zvinoita here kuva norugare mumwoyo panguva ino ine matambudziko? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri pana VaFiripi 4:6, 7. [Verenga.] Nyaya ino inotsanangura kuti tingava sei nerugare runopiwa naMwari.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Awake! July
“Vakawanda vedu tinoonga zvatakadzidziswa nevabereki vedu. Munofunga kuti kusaratidza kuremekedza here kuongorora dzidziso dzechitendero dzatakadzidza tiri vana? [Rega apindure. Zvadaro verenga 1 Johani 4:1.] Nyaya ino inoratidza kuti zvakaipa here kuchinja chitendero chedu.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi August 1
“Vamwe vanoti zvitendero zvose inzira dzakasiyana-siyana dzinoenda kuna Mwari mumwe chete. Munofunga kuti zvitendero zvose zvakanaka here? [Murege apindure. Zvadaro verenga Mateu 7:13, 14.] Magazini ino inotaura zvinhu chaizvo zvitatu zvinonzi neBhaibheri zvinofanira kuitwa nechitendero chakanaka.”
Awake! August
“Tose zvedu takambosarurwa. Munofunga kuti Mwari anoona sei rusaruro? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mabasa 10:34, 35.] Bhaibheri rinogona kutibatsira kutsungirira patinosarurwa. Rinotibatsirawo kubvisa kakusarura chero kapi zvako katingava nako. Magazini ino inotsanangura izvozvo.”