RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/09 p. 4
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 6/09 p. 4

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi June 1

“Vakawanda vanodavira kuti zvitendero zvenyika inzira dzakasiyana-siyana dzinoenda kuna Mwari mumwe chete. Imi munotii nazvo? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri. [Verenga Joshua 24:15.] Nyaya ino inopa zvikonzero zvakasimba zvinoita kuti tiongorore kana chitendero chedu chichitiendesa kuna Mwari wechokwadi.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.

Awake! June

“Tose zvedu tinoziva vamwe vanhu vakafa. Munofunga kuti pane chikonzero chokutya kuti vamwe vavo vangava vakatsamwa uye vangada kutikuvadza here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Muparidzi 9:5, 6.] Muchaona kuti nyaya ino inonyaradza.” Muratidze nyaya inotangira papeji 22.

Nharireyomurindi July 1

“Vanhu vakawanda vane Bhaibheri vanoona rakaoma kunzwisisa. Makambonzwa saizvozvo here? [Rega apindure.] Maererano nevhesi iyi, Muridzi weBhaibheri anoda kuti tinzwisise uye tibatsirwe neShoko rake rakanyorwa. [Verenga Pisarema 119:130.] Magazini ino inopa mazano matatu achatibatsira kunzwisisa Bhaibheri.”

Awake! July

“Kuora mwoyo kunotambudza vakawanda mazuva ano. Munofunga here kuti Mwari ane hanya nevaya vari kushushikana mupfungwa? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 34:18.] Magazini ino inotsanangura kuti vaya vakaora mwoyo vangabatsirwa sei naMwari, kunyange vachifanira zvavo kurapwa. Inopawo mazano okuti tingataurei kuti tivanyaradze.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe