Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
Vasimbiswa nomudzimu mutsvene, vaKristu vekare vakashanda nesimba kwazvo kuti vazivise mashoko akanaka kwose kwavaikwanisa. (Mab. 1:8; VaK. 1:23) Purogiramu yezuva regungano chairo yegore rebasa ra2007 ine musoro unoti, “Batikana Kwazvo Nokuparidza Shoko,” ichatibatsira kuti titevedzere muenzaniso wavo wakanaka zvikuru.—Mab. 18:5.
Achitaura nezveshoko raMwari, Mambo Dhavhidhi akati: “Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika, chinochenjedza asina zivo.” (Pis. 19:7) Purogiramu yakanyatsogadzirirwa ya2007 yezuva regungano chairo icharatidza kukosha kweMagwaro “pakururamisa zvinhu” uye ichatikurudzira kushandisa Shoko raMwari pakuparidza uye pakudzidzisa tiine pfungwa yokukurumidzira. (2 Tim. 3:16, 17) Purogiramu yacho itsva icharatidza kuti tinganzvenga sei ngozi tobatsirwa nokushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwezuva nezuva. Ichatibatsirawo kushandisa Shoko raMwari kuti tibatsire pwere uye vatsva kuti vafambire mberi mune zvokunamata.
Iva nechokwadi chokuvapo panotanga purogiramu yacho, uye wonyatsoteerera. Nyora pfungwa dzaungashandisa iwe pachako. Ratidza kuti unoonga mirayiridzo uye zviyeuchidzo zvinenge zvapiwa, uye fungisisa kuti ungashandisa sei zvinhu zvaunenge wadzidza.
Purogiramu yezuva regungano chairo ichawedzera kukoshesa kwatinoita Shoko raMwari, ichatiyeuchidza kuti tirambe tichishingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo, uye ichatiratidza kuti tingabatsira sei vamwe kuti vaitewo saizvozvo. Saka tsunga kuvapo Jehovha paanopa mirayiridzo yezvokunamata nenzira iyi!—Isa. 30:20b, 21.