RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/14 p. 2
  • Ita Kuti Ufare Mumwaka Uno weChirangaridzo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Kuti Ufare Mumwaka Uno weChirangaridzo!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Tanga Kuronga Iye Zvino Kuti Uwedzere Ushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Uchaita Upiyona Hwebetsero Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mwaka weChirangaridzo—Mukana Webasa Rakawedzerwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 2/14 p. 2

Ita Kuti Ufare Mumwaka Uno weChirangaridzo!

1. Tingawedzera sei mufaro wedu mumwaka uno weChirangaridzo?

1 Ungada here kuwedzera mufaro wako muna March, April, naMay? Imwe nzira yokuita kudaro ndeyokuwedzera ushumiri hwako, uye kana zvichiita wotora upiyona hwebetsero. Kuita izvi kuchawedzera sei mufaro wako?

2. Kuwedzera ushumiri hwedu kuchaita sei kuti mufaro wedu uwedzere?

2 Wedzera Mufaro Wako: Jehovha akatisika kuti tifare uye tigutsikane nokumunamata uye patinozadzisa chido chedu chokunamata. (Mat. 5:3) Akatisikawo kuti tikwanise kufara patinopawo vamwe. (Mab. 20:35) Ushumiri hunotipa mukana wokuita zvose zviri zviviri, kunamata Mwari uye kubatsira vanhu. Zvine musoro kuti titi kuwedzera ushumiri hwedu kunoitawo kuti mufaro wedu uwedzere. Uyewo patinoshandisa nguva yakawanda tichiparidza, unyanzvi hwedu hunowedzerawo. Patinova neunyanzvi, tinowedzera kuva nechivimbo toderedza kutya. Tinova nemikana yakawanda yokupupurira uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Zvose izvi zvinoita kuti ushumiri huwedzere kunakidza.

3. Nei March naApril ichava mwedzi yakanaka zvikuru kutora upiyona hwebetsero?

3 March naApril ichava mwedzi yakanaka kuti titore upiyona hwebetsero nokuti tinogona kusarudza kuita maawa 30 kana kuti 50. Uyewo, kutanga musi weMugovera, March 22 kusvika musi weChirangaridzo, Muvhuro, April 14, tichava nemushandirapamwe unonakidza wokukoka vanhu kuti vapinde Chirangaridzo. Muungano muchange muchinakidza nokuti vakawanda vachange vachishanda ‘vakabatana’ kuitira kuti vapedze chikamu chakakura chendima munguva yemushandirapamwe.—Zef. 3:9.

4. Kana tichida kuita upiyona hwebetsero, tinofanira kuitei?

4 Gadzirira Iye Zvino: Kana wanga usati wazviita, wana nguva yokuongorora purogiramu yako woona kuti zvii zvaungagadzirisa kuti uwedzere ushumiri hwako kwemwedzi mumwe chete kana kupfuura. Nyengeterera nyaya yacho. (Jak. 1:5) Taura nevemumhuri mako uye nevamwe vari muungano nezvenyaya yacho. (Zvir. 15:22) Unogona kuona kuti pasinei nokuti une utano husina kunaka kana kuti une zvakawanda zvokuita, newewo unokwanisa kuwana mufaro unobva pakuita upiyona hwebetsero.

5. Chii chichaitika kana tikawedzera ushumiri hwedu mumwaka uno weChirangaridzo?

5 Jehovha anoda kuti vashumiri vake vafare. (Pis. 32:11) Kana tikashanda nesimba kuti tiwedzere ushumiri hwedu mumwaka uno weChirangaridzo, tichawedzera kufara uye zvichafadzawo Baba vedu vokudenga.—Zvir. 23:24; 27:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe