Uchaita Upiyona Hwebetsero Here?
1. Nei mwaka weChirangaridzo iri nguva yakanaka yokuwedzera ushumiri hwako?
1 Mwaka weChirangaridzo inguva yakanaka yokuwedzera ushumiri hwedu. Inguva yokunyatsofungisisa nezverudo rukuru rwatakaratidzwa naJehovha paakatipa Mwanakomana wake sechibayiro. (Joh. 3:16) Izvi zvinoita kuti mwoyo izare nokuonga, zvoita kuti tidzamise chido chedu chokuudza vamwe nezvaJehovha nezvaari kuitira vanhu. (Isa. 12:4, 5; Ruka 6:45) Inguva inofadzawo yatinoita mushandirapamwe wokukoka hama neshamwari nevanhu vanogara mundima yedu kuti vauye kuzopinda Chirangaridzo pamwe nesu. Kana Chirangaridzo chapera, tinoedza kuita kuti vanhu ava varambe vachifarira. Uchakwanisa here kuwedzera ushumiri hwako nokuita upiyona hwebetsero muna March, April, kana May?
2. Nei mwedzi waMarch uri mwedzi wakanaka kuti tiite upiyona hwebetsero?
2 Ratidza Kuti March Mwedzi Unokosha: Mwedzi waMarch wakanaka zvikuru kuti tiite upiyona hwebetsero. Vanoda kuva mapiyona ebetsero vanogona kusarudza kuita maawa 30 kana kuti 50. Kana mutariri wedunhu achishanyira ungano yenyu muna March, mapiyona ebetsero anokwanisa kupinda musangano wose unoitiswa mapiyona enguva dzose uye mapiyona chaiwo. Mushandirapamwe wokukoka vanhu kuChirangaridzo icho chichaitwa musi weChipiri 26 March 2013, uchatanga musi wa1 March uye uchange wakareba kupfuura zvaiitwa mamwe makore. Chimwezve ndechekuti mwedzi waMarch uchange uine mavhiki mashanu. Ngatiedzei kuita zvose zvatinogona kuti tiite kuti mwedzi uyu uve mwedzi unokosha zvikuru mugore rino.
3. Tingaronga sei kuti tiwedzere ushumiri hwedu?
3 Tanga Kuronga Iye Zvino: Iye zvino ndiyo nguva yokugadzirisa purogiramu yako, woona kana paine zvinoda kugadziriswa kuti upayone. Kuti mukwanise kuita izvi, munofanira kuisa musoro pamwe semhuri. Saka pamanheru enyu Okunamata Kwemhuri kurukurai zvamuri kuronga kuzoita semhuri mova nepurogiramu yacho. (Zvir. 15:22) Kana ukatadza kuita upiyona hwebetsero usaora mwoyo. Pamazuva aunoenda kunoparidzira ungakwanisa here kuti wedzerei nguva yaunowanzopedza uri muushumiri? Ungakwanisa kuita ushumiri pane rimwe remazuva mukati mevhiki here?
4. Zvii zvatichawana kana tikawedzera basa redu mumwedzi waMarch, April, naMay?
4 Sezvatinowedzera basa redu mumwedzi waMarch, April, naMay, tichawedzerawo mufaro wedu uye tichanzwa tagutsikana pakushumira Jehovha uye pakuparidzirawo mashoko akanaka. (Joh. 4:34; Mab. 20:35) Chinotonyanya kukosha ndechokuti, kuzvipira kwedu kuchaita kuti Jehovha afare.—Zvir. 27:11.