Kuratidza Kuonga Chipo chaMwari Chikuru
1. Nei tichinyanya kuonga Jehovha?
1 ‘Pazvipo zvose zvakanaka’ zvinobva kuna Jehovha, chibayiro chakapiwa neMwanakomana wake anodiwa ndicho chikuru. (Jak. 1:17) Chibayiro ichi chinoita kuti pave nezvikomborero zvakawanda, zvinosanganisira kukanganwirwa kwezvivi zvedu. (VaEf. 1:7) Izvi zvinoita kuti tigare tichionga chibayiro chacho. Mumwaka weChirangaridzo, tinonyatsotsvaka nguva kuti tifungisise nezveichi chipo chinokosha.
2. Isu nemhuri dzedu tingawedzera sei kuonga kwatinoita rudzikinuro?
2 Kuwedzera Kuonga Kwatingaita: Kuti ubatsire mhuri yako kuwedzera kuonga kwayo, wadii kushandisa nguva yemanheru eKunamata Kwemhuri yenyu vhiki shomanana musi waMarch 30 usati wasvika kuti mudzokorore mashoko ane chokuita norudzikinuro? Uyezve, zuva rimwe nerimwe, ivai nenguva yokuverengwa kweBhaibheri kweChirangaridzo kunokosha semhuri. Fungisisa uri woga kuti rudzikinuro rwakakubatsira sei uye rwakaita kuti uone sei Jehovha, vamwe vanhu uye remangwana rako. Uchabatsirwawo kana ukadzidzira kuimba nziyo mbiri dzichashandiswa paChirangaridzo, nhamba 8 ne109.—Pis. 77:12.
3. Tingaratidza sei kuti tinoonga?
3 Zvicharatidza Kuti Tinoonga: Kuonga rudzikinuro kunoita kuti tiudze vamwe nezvaJehovha uye rudo rwake rukuru rwaakaratidza nokutuma Mwanakomana wake. (Pis. 145:2-7) Mumwedzi waMarch, April, uye May, dzimwe mhuri dzinoratidza kuonga kwadzo nokuronga kuti anenge mumwe chete mumhuri yavo aite upiyona hwebetsero. Kana izvi zvisingaiti, ‘mungatenga nguva’ here kuti muwedzere ushumiri hwenyu? (VaEf. 5:16) Kuonga kuchaitawo kuti tibatsire vamwe kuti vapinde Chirangaridzo pamwe chete nesu. (Zvak. 22:17) Tanga nokunyora mazita eshanyo dzedzokerero, vadzidzi veBhaibheri, hama dzako, vokubasa, uye vavakidzani vaunoda kukoka, wobva washingaira chaizvo munhimbe yokukokera vanhu kuChirangaridzo.
4. Tingashandisa sei mwaka weChirangaridzo nokuchenjera?
4 Mwaka weChirangaridzo unoita kuti pave nemikana mitsva yokuratidza Jehovha kuonga kwatinoita chipo chaakapa vanhu. Ngatishandisei nguva iyi kuwedzera kuonga kwatinoita rudzikinuro uye ‘pfuma yose isinganzwisisiki yaKristu.’—VaEf. 3:8.