RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/12 pp. 3-6
  • Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Mazuva Matatu Okuzorodzwa Mune Zvokunamata
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mufambiro Unoita Kuti Mwari Arumbidzwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Magungano Eruwa—Nguva Yokunamata Kunofadza
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • “Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Pakati Pemamwe Marudzi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 4/12 pp. 3-6

Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi

1. Mitambo yaiitwa nevaIsraeri yaivapa mikana yokufungisisa uye kukurukura zvinhu zvipi zvine chokuita nokunamata?

1 Makare kare vaIsraeri vaiva nemitambo yavaiita katatu gore negore vakaungana. Kunyange zvazvo varume vari ivo voga vainzi vanofanira kuvapo, kazhinji mhuri yose yaiendawo kuJerusarema kuti inonakidzwa nemagungano iwayo. (Dheut. 16:15, 16) Nguva idzi dzaivapa mukana wokuti vafungisise uye vakurukure zvinhu zvinokosha zvine chokuita nokunamata. Ndezvipi zvimwe zvavaikurukura? Rupo runa Jehovha uye kugovera norudo kwaanoita vanhu vake. (Dheut. 15:4, 5) Chimwezve kukwanisa kwake kuvimbwa naye pakutungamirira uye kudzivirira. (Dheut. 32:9, 10) VaIsraeri vaikurukurawo kuti ivo serudzi rune zita raJehovha, vaifanira kunyatsoratidza kururama kwaMwari nemararamiro avo. (Dheut. 7:6, 11) Mazuva ano, magungano eruwa anoitwa gore negore anotipa mikana yokuti tiitewo zvaiitwa nevaIsraeri.

2. Chokwadi chichajekeswa sei pagungano reruwa?

2 Gungano Richajekesa Chokwadi: Pamagungano edu eruwa tinonakidzwa nokunzwa hurukuro, mienzaniso uye kubvunzurudza, izvo zvinotibatsira kunzwisisa uye kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. (Joh. 17:17) Kutaura kudai, paitwa basa guru pakuronga nezvegungano reruwa riri kuuya. Sangano raJehovha riri kuronga purogiramu yakagadzirirwa kukurukura zvinhu zviri kusangana nevanhu pasi rose. (Mat. 24:45-47) Uri kuda here kuziva kuti zvii zvichakurukurwa?

3. Kuti tinyatsobatsirwa negungano tinofanira kuitei?

3 Kuti tibatsirwe negungano tinofanira kunge tiripo mazuva ose ari matatu uye tichinyatsoteerera. Kana usati wakumbira kubasa, chitozviita iye zvino. Iva nechokwadi chokuti wawana nguva yakakwana yokurara kuitira kuti usarara pagungano. Vamwe vanoona zvichibatsira kuti vatarise mukurukuri uye kunyora manotsi mashoma kuitira kuti vasarara. Usaita kuti serura yako ikuvhiringe kana kuvhiringa vamwe. Usaita tsika yokuzevezera, kunyora mameseji pafoni, kudya kana kuita zvimwe zvakada kudai panguva dzegungano.

4. Zvii zvingaitwa nevabereki kuti vana vavo vabatsirwe negungano?

4 Mumakore eSabata, mhuri dzechiIsraeri padzaiungana kuti dzinzwe Mutemo uchiverengwa panguva yoMutambo weMatumba, dzainge dziine “vana” vadzo “kuti vateerere uye kuti vadzidze.” (Dheut. 31:12) Zvinofadza chaizvo kuona mhuri dzakagara pamwe chete panguva yegungano uye vana vaduku vakasvinura vachiteerera! Kana zvichiita, munogona kuti kana ava manheru mokurukura zvanga zvichitaurwa kugungano zvakunakidzai. “Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana,” saka vabereki vanofanira kutarisira vana vavo, kusanganisira vaya vati yarukei, panguva dzokudya masikati uye kumba kwavanogara, panzvimbo ‘pokungovarega vakadaro.’—Zvir. 22:15; 29:15.

5. Kuzvibata zvakanaka patinenge tiri kuguta rinoitirwa gungano kunoshongedza sei chokwadi?

5 Kuzvibata Kwedu Zvakanaka Kunoshongedza Chokwadi: Kuzvibata zvakanaka kwatinoita patinenge tiri muguta rinoitirwa gungano kunoshongedza chokwadi. (Tito 2:10) Vanhu vanozviona patinovaratidza mwoyo murefu uye patinovabata zvakanaka.—VaK. 4:6.

6. Tingashongedza sei chokwadi nemapfekero atinoita patinenge tiri kuguta richaitirwa gungano?

6 Kupfeka bheji regungano hakugumiri pakuzivisa kuti kune gungano kana kuti kubatsira vamwe vauya kugungano kuti vatizive, asi kunotoparidza kune vanotiona. Vanhu vari muguta richaitirwa gungano, vachaona kuti vanhu vane mabheji vakapfeka zvakanaka uye zvine mwero, kwete kupfeka mapfekero evanhu venyika euyanga kana kuti anovhiringa vamwe. (1 Tim. 2:9, 10) Saka tinofanira kuva nechokwadi chokuti tapfeka zvakanaka patinenge tiri kuguta richaitirwa gungano. Kuenda takapfeka zvikabudura kana maT-shirt hazviratidzi ruremekedzo. Kunyange kana tichizopinda gungano munhandare, mapfekero edu anofanira kuva nomutsigo. Kana tikada kuchinja hembe gungano rapera tichida kuenda kuzvitoro, tinofanira kuyeuka kuti tavinga gungano uye hatifaniri kupfeka zvisina mwero.

7. Kubatana kwedu kungawedzera sei kunakidza patinenge tiri pagungano?

7 Pamitambo yaiitwa gore negore, vaIsraeri vainakidzwa nokuwadzana nevavainamata navo vaibva kune dzimwe nzvimbo uye izvi zvaiita kuti vabatane. (Mab. 2:1, 5) Kubatana kwakaita hama dzedu dzomunyika yose kunonyatsooneka pamagungano. Kubatana uku, kunoratidza kuti tiri muparadhiso yokufananidzira, kunoita kuti vamwe vanhu vabayiwe mwoyo. (Pis. 133:1) Panzvimbo pokubva panzvimbo iri kuitirwa gungano toenda kunotenga zvokudya zvemasikati, zvaizova zvakanaka chaizvo kana tikagara tauya nezvokudya, towana nguva yakawanda yokukurukura nehama nehanzvadzi dzatinenge takagara pedyo nadzo.

8. Kana tichikwanisa, sei zvakanaka kuti tizvipire kubatsira kushanda pagungano?

8 Vanhu vanoona vanowanzoshamisika pavanoona kurongeka kwakaita magungano edu, kunyanya pavanonzwa kuti basa rose riri kuitwa nevanhu vazvipira. Unokwanisa ‘kuzvipa nomwoyo unoda’ kuti ushande pagungano here? (Pis. 110:3) Vamwe vanozvipira kushanda semhuri yose nechinangwa chokudzidzisa vana vavo kuti vazive chazvakanakira kuzvipira kushanda. Kana uri munhu anonyara, kushanda pagungano kunokupa mukana wokukurukura nehama nehanzvadzi. Imwe hanzvadzi yakati: “Hapana vakawanda vandaiziva ipapo kunze kweshamwari shomanana nevanhu vokumba kwedu. Asi pandakaita basa rokutsvaira, ndakasangana nehama nehanzvadzi dzakazowanda! Zvainakidza!” Kuita mabasa okubatsira pagungano kunoita kuti uwedzere vanhu vokushamwaridzana navo uye kunoita kuti ufare. (2 VaK. 6:12, 13) Kana usati wambozviita, bvunza vakuru kuti zvii zvaungaita kuti ubatsirewo.

9. Tichakoka sei vanhu kuti vauye kugungano?

9 Koka Vamwe Vazonzwa Chokwadi: Sezvataingoita makore apfuura, vhiki nhatu gungano redu risati ratanga tichaita mushandirapamwe wokukoka vanhu kuti vauye kugungano. Ungano dzichada kushanda nesimba kusvika kunzvimbo dzakawanda dziri mundima yavo vachikoka vanhu. (Ona bhokisi rakanzi “Tichagovera Sei Mapepa Okukokera?”) Kana pakasara mamwe mapepa okukokera uyai nawo kugungano. Achashandiswa nevachange vari pagungano kuti vaparidze zvisina kurongwa muguta richaitirwa gungano.

10. Taura mienzaniso inoratidza kuti kukoka kwatinoita vanhu kumagungano kunoshanda.

10 Gore rino tikakoka vanhu kugungano vanouya here? Pane rimwe gungano, murindiri akabatsira mumwe murume nomukadzi kuti vawane pokugara. Vakaudza murindiri uyu kuti vakapiwa hendibhiri uye vakati, “takanakidzwa nezvatakaverenga ipapo.” Vakadhiraivha makiromita 320 kuti vauye kugungano. Mune chimwewo chiitiko, imwe hanzvadzi yaiparidza paimba nemba yakapa mumwe murume hendibhiri uye murume wacho akaratidza kuti aida kuzonzwa zvakawanda kugungano. Hanzvadzi yedu yakakurukura naye zvakati wandei zvaiva pahendibhiri iri. Mazuva mashoma akazotevera pari pagungano, hanzvadzi iyi yakaona murume uya aine shamwari yake uye vakanga vane bhuku rakanga rabudiswa.

11. Sei kupinda gungano reruwa gore negore kuchikosha?

11 Mitambo yaiitwa gore negore hwaiva urongwa hwakanaka chaizvo hwakaitwa naJehovha kubatsira vaIsraeri kuti ‘vamushumire vasina mhosva uye muchokwadi.’ (Josh. 24:14) Ndizvowo zvinongoitika mazuva ano, kupinda kwedu magungano anoitwa gore negore kunotibatsira ‘kuramba tichifamba muchokwadi’ uye ndechimwe chezvinhu zvinokosha pakunamata kwedu. (3 Joh. 3) Tinoti dai Jehovha akomborera zvose zviri kuitwa nevanhu vake kuti vapinde gungano uye vabatsirwe naro!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Kuzvibata zvakanaka kwatinoita patinenge tiri muguta rinoitirwa gungano kunoshongedza chokwadi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Vhiki nhatu gungano redu risati ratanga tichaita mushandirapamwe wokukoka vanhu kuti vauye kugungano

[Bhokisi riri peji 3-6]

Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa Ra2012

◼ Nguva dzeGungano: Gungano richatanga na9:20 mangwanani musi weChishanu neMugovera. Musi weSvondo richatanga na8:20 mangwanani. Panosumwa mumhanzi, tose zvedu tinofanira kunogara pasi kuitira kuti purogiramu itange zvine ruremekedzo. Musi weChishanu neMugovera gungano ichapera na4:55 masikati uye musi weSvondo richapera na2:40 masikati.

◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano, nzvimbo dzokupaka motokari dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Motokari dzakatakura vanhu vakaremara chete ndidzo dzichabvumirwa kupaka panzvimbo yavakachengeterwa. Sezvo nzvimbo dzokupaka dzichiwanzova shoma, vaya vanokwanisa kushandisa motokari imwe ngavasati uyu yake uyu yake.

◼ Kubata Nzvimbo: Munogona kubatira nzvimbo vaya chete vamunenge muchigara navo kumba, vamunofamba navo mumotokari imwe chete, kana kuti vaya vamuri kudzidza navo Bhaibheri.—1 VaK. 13:5.

◼ Zvokudya Zvemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano muchinotsvaka zvokudya panguva yokuzorora. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, uye midziyo yemagirazi hazvibvumirwi panoitirwa gungano.

◼ Mari Yezvipo: Tingaratidza kuti tinoonga urongwa hwegungano nokupa mari yezvipo nokuzvidira yokutsigira basa romunyika yose pagungano. Cheki dzose dzinofanira kunyorwa kuti “Watchtower Society.”

◼ Tsaona Uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: Kana munhu akarwara, achida kukurumidza kutarisirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uye iye achazivisa veFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vakanyatsodzidziswa vaone kuti urwere hwacho hwakamira sei vobatsira. Kana zvakakodzera, veFirst Aid vachadaidza amburenzi.

◼ Mishonga: Kana muine mushonga wamakanzi nachiremba mushandise, tapota ivai nechokwadi chokuti mauya nemushonga wakakwana nokuti pagungano panenge pasina. Vane chirwere cheshuga vanoshandisa majekiseni kuzvibaya, munofanira kuona kuti zvaraswa nenzira isingazokuvadzi vamwe asi musarasira mumabhini anoshandiswa panzvimbo yegungano.

◼ Shangu: Gore negore vanhu vakawanda vanokuvara pamusana peshangu. Zvakanaka kusarudza shangu dziri pakati nepakati dzinonyatsokwana, dzinoita kuti munhu akwanise kufamba zvisina ngozi pamasitepisi nepadzimwe nzvimbo dzakada kudaro.

◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Vaparidzi vanofanira kuuya nefomu rimwe chete kana maviri kugungano. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaMay 2011 peji 3.

◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kugara kumba kwevamwe here? Kuita maererano nezviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisire kuti muridzi wepamba pauchange uchigara achakupa zvokudya zvemahara kunyange zvazvo iri hama yechiKristu. (2) Iva nomwoyo murefu uye remekedza muridzi wepamba paunenge uchigara paanenge achiedza kugarisana newe. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vakasatarisirwa vanogona kutamba kana kuti kumhanya-mhanya mugadheni vachitsika-tsika maruva uye vangapinda mudzimba dzavasingafaniri kupinda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanyisa, vachivhiringa mhuri yepo nevavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira kuitira kuti mufambiro wavo ukudze Jehovha nguva dzose.—Zvir. 29:15.

Vana vose vari pasi pemakore 12 vanofanira kuperekedzwa nemunhu mukuru pavanoenda kuchimbuzi pagungano.

◼ Basa Rokuzvipira: Vose vanoda kuzvipira kushanda vanofanira kunotaura kuDhipatimendi reVazvipiri rinenge riri pagungano. Vana vari pasi pemakore 16 vanogona kubatsirawo nokushanda pamwe chete nevabereki vavo kana kuti mumwe munhu mukuru anovatarisira.

[Bhokisi riri papeji 6]

Tichagovera Sei Mapepa Okukokera?

Kuti tikwanise kupedza ndima yedu tinofanira kupa mharidzo pfupi. Tinogona kungoti: “Makadii? Tiri kuita mushandirapamwe pasi rose wokugovera pepa iri. Renyuwo iri. Mamwe mashoko akawanda muchaawana papepa racho.” Taura uine chido. Paunenge uchikoka vanhu pakupera kwevhiki, unofanirawo kugovera magazini pazvinenge zvakakodzera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe