RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/13 pp. 3-6
  • Mufambiro Unoita Kuti Mwari Arumbidzwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufambiro Unoita Kuti Mwari Arumbidzwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • “Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Pakati Pemamwe Marudzi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mazuva Matatu Okuzorodzwa Mune Zvokunamata
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 4/13 pp. 3-6

Mufambiro Unoita Kuti Mwari Arumbidzwe

1. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichikurumidza kuzivikanwa pazvinenge zvichipinda magungano eruwa?

1 Patinopinda magungano eruwa, zviri nyore kuti vanhu vazive kuti tiri kupinda gungano. Mumaguta akawanda anoitirwa magungano, vezvenhau vanozivisa vanhu vomunharaunda dzacho nezvedu. Migwagwa iri pedyo nepanenge pachiitirwa gungano inowanzozara nevanenge vachiuya kugungano, uye vemunharaunda yacho vanowanzoona vashanyi vakawanda vakapfeka mabheji egungano. Zviyeuchidzo zvinotevera zvichatibatsira kurumbidza Jehovha nemufambiro wedu patinenge tiri muguta rinoitirwa gungano.—1 Pet. 2:12.

2. Tingarumbidza sei Mwari nemapfekero edu patinenge tiri muguta rinoitirwa gungano?

2 Zvipfeko Zvine Mwero: Zvipfeko zvedu zvine mwero zvatinopfeka pagungano zvinowanzobaya mwoyo yevanotiona. Asi mapfekero atinoita pane dzimwe nguva, patinenge tichidya mumaresitorendi, patinenge tichitenga-tenga zvichingodaro, anogona kuvhiringidza maonerwo atinoitwa nevamwe vanhu. Kunyange zvazvo panguva dzakadaro tisingafaniri hedu kupfeka sezvatinoita tiri pagungano, tinofanira kupfeka zvine mwero, zvinoremekedzeka. Vanotiona vanofanira kuona kusiyana kwatakaita nevasingatendi. (VaR. 12:2) Uyewo tinofanira kupfeka mabheji edu egungano nokuti zvichaita kuti vanhu vakawanda vazive nezvegungano racho, tiwane mikana yokuparidza uye zvichabatsirawo vamwe vari kupindawo gungano kuti vatizive.

3. Tingaratidza sei mwoyo murefu uye ruremekedzo?

3 Mwoyo Murefu Uye Ruremekedzo: Mazuva ano, vanhu vakawanda munyika vanongozvifunga uye havaongi, saka vashandi vemumahotera nemumaresitorendi vanozorodzwa chaizvo pavanoona mwoyo murefu wedu neruremekedzo rwatinovapa. (2 Tim. 3:1-5) Patinochengeta pokugara kana kuti patinenge tiri mumutsara wokutora mabhuku anenge abuda pagungano, tinofanira kufungawo vamwe kwete kungozvifunga. (1 VaK. 10:23, 24) Pashure pokupinda gungano kekutanga, mumwe murume anofarira akati, “Handina kana hurukuro yandichiri kuyeuka yakapiwa musi iwoyo, asi unhu hweZvapupu ndihwo hwakandibaya mwoyo.”

4. Nei tichifanira kufunga nezvokuzvipira pagungano kana mamiriro edu ezvinhu achitibvumira?

4 Vanoda Kuzvipira: VaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekuzvipira. (Pis. 110:3) Ungazvipira here kuti ubatsire pagungano? Pane imwe nzvimbo yaiitirwa gungano, hama nehanzvadzi dzinenge 600 dzakazvipira kuti dzichenese gungano risati ratanga. Vashandi vepanzvimbo yacho vakati: “Hatisati tamboona zvakadai! Zvakaoma kubvuma kuti vanhu vose ava vazvipira.” Tinotarisira nechido kumagungano eruwa a2013 uye mikana yatichava nayo yokuteerera nokudzidziswa naMwari, uyewo yokumurumbidza.

[Bhokisi riri pamapeji 3-6]

Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa ra2013

◼ Nguva dzeGungano: Mumhanzi uchatanga na9:20 mazuva ose ari matatu. Panosumwa mumhanzi, tose zvedu tinofanira kunogara pasi kuitira kuti purogiramu itange zvine ruremekedzo. Rwiyo rwokugumisa nemunyengetero zvichasumwa nenguva dza4:50 masikati musi weChishanu neMugovera uye na3:35 masikati musi weSvondo.

◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano, nzvimbo dzokupaka motokari dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Sezvo nzvimbo dzokupaka dzichiwanzova shoma, vaya vanokwanisa kushandisa motokari imwe ngavasati uyu yake uyu yake. Motokari dzakatakura vanhu vakaremara nevakwegura chete ndidzo dzichabvumirwa kupaka panzvimbo yavakachengeterwa.

◼ Kubata Nzvimbo: Munogona kubatira nzvimbo vaya chete vamunenge muchigara navo kumba, vamunofamba navo mumotokari imwe chete, kana kuti vaya vamuri kudzidza navo Bhaibheri. (1 VaK. 13:5) Nzvimbo dzokugara dzevakwegura nendonda ishoma, saka hazviiti kuti vose vemumhuri dzavo vagare navo. Tapota siyirai nzvimbo idzi vakwegura nendonda nevaya vanenge vachivatarisira.

◼ Zvokudya Zvemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano muchinotsvaka zvokudya panguva yokuzorora. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, uye midziyo yemagirazi hazvibvumirwi panoitirwa gungano.

◼ Mari Yezvipo: Tingaratidza kuti tinoonga urongwa hwegungano nokupa mari yezvipo nokuzvidira yokutsigira basa romunyika yose pagungano. Cheki dzose dzinofanira kunyorwa kuti “Watchtower Society.”

◼ Mishonga: Kana muine mushonga wamakanzi nachiremba mushandise, tapota ivai nechokwadi chokuti mauya nemushonga wakakwana nokuti pagungano panenge pasina. Majekiseni anoshandiswa nevane chirwere cheshuga uye tsono zvinofanira kuraswa nenzira isingazokuvadzi vamwe uye hazvifaniri kurasirwa mumabhini anoshandiswa panzvimbo yegungano.

◼ Shangu: Gore negore vanhu vakawanda vanokuvara pamusana peshangu, kunyanya dziya dzakareba. Zvakanaka kusarudza shangu dziri pakati nepakati dzinonyatsokwana, dzinoita kuti munhu akwanise kufamba zvisina ngozi pamasitepisi nepadzimwe nzvimbo dzakada kudaro.

◼ Mapefiyumu: Zvingava zvakanaka kana tikashandisa zvine mwero mapefiyumu akasimba anogona kukanganisa vamwe vanhu vane zvirwere zvinoita kuti vazarirwe.—1 VaK. 10:24.

◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yenyu.

◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kugara kumba kwevamwe here? Kuita maererano nezviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisire kuti muridzi wepamba pauchange uchigara akupe zvokudya zvemahara kunyange zvazvo iri hama yechiKristu. (2) Iva nomwoyo murefu uye remekedza muridzi wepamba paunenge uchigara paanenge achiedza kugarisana newe. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vakasatarisirwa vanogona kutamba kana kuti kumhanya-mhanya mugadheni vachitsika-tsika maruva uye vangapinda mudzimba dzavasingafaniri kupinda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanyisa, vachivhiringa mhuri yepo nevavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira kuitira kuti mufambiro wavo ukudze Jehovha nguva dzose.—Zvir. 29:15.

Vana vose vari pasi pemakore 12 vanofanira kuperekedzwa nemunhu mukuru pavanoenda kuchimbuzi pagungano.

◼ Basa Rokuzvipira: Vose vanoda kuzvipira kushanda vanofanira kunotaura kuDhipatimendi reVazvipiri rinenge riri pagungano. Vana vari pasi pemakore 16 vanogona kubatsirawo nokushanda pamwe chete nevabereki vavo kana kuti nemumwe munhu mukuru anovatarisira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe