Koshesa Kuungana Kwedu
1. Chii chinoodza mwoyo chiri kuitika panyaya yokupinda magungano edunhu, ezuva chairo uye eruwa?
1 Nhamba yevanhu vari kupinda magungano edunhu, ezuva chairo uye eruwa iri kuderera chaizvo kunyanya munzvimbo dziri kumaruwa, uye izvi zviri kutidya mwoyo. Mishumo iri kubva kuvatariri veruwa inoratidza kuti vaparidzi vakawanda havasi kupinda misangano iyi inokosha.
2. Pauro akapa zano ripi uye nei akaripa?
2 Iye zvino ndiyo nguva yakanyanya kuoma muupenyu zvokuti ndipo patinoda kuteerera zano riri pana VaHebheru 10:25 rokuti ‘tisarega kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvatinoona zuva richiswedera pedyo.’ Kufungisisa nezveropafadzo yokupinda magungano uye kubatsira kwaanoita kuchaita kuti tiite zvose zvatinogona kuti tiapinde nguva dzose.
3. Zvaiitwa naErikana zvingatibatsira sei?
3 Funga nezvemuenzaniso wakanaka wakaratidzwa nemhuri yaErikana. Nguva dzose mhuri iyi yaienda kunoungana nevamwe vayainamata navo patebhenekeri yaMwari payaiva muShiro. Mutemo waiti varume chete ndivo vaifanira kuenda kumitambo yaiitwa pagore. Asi ‘gore negore Erikana aibva muguta rake kuti anogwadamira uye anobayira kuna Jehovha wemauto muShiro’ pamwe chete nemhuri yake yose. (1 Sam. 1:3) Mazuva iwayo rwendo rwokuShiro rwungangodaro rwaiva makiromita 30, uye rwaiita kuti vasare varukutika. Asi mhuri yaErikana yakaramba ichiita izvi ‘gore negore, kazhinji payaienda kuimba yaJehovha.’—1 Sam. 1:7.
4. (a) Taura kuzvipira kwakaitwa nevamwe kuti vapinde magungano edu. (b) Tsanangura zvawakaita kuti upinde magungano munguva yapfuura pasinei nezvipingamupinyi uye taura zvikomborero zvawakawana.
4 Mazuva ano tine mienzaniso yakawanda yevanhu vari munyika medu uye vari kune dzimwe nyika vanokoshesa magungano. Tinogona kuverenga nezvayo muBhuku Regore kana mumagazini yeNharireyomurindi. Pasinei nokuti varombo, hama dzakawanda dziri munyika ino uye kune dzimwe nyika dzinozvipira chaizvo kuti dzipinde magungano. Somuenzaniso, kuMozambique mumwe mutariri weruwa nemudzimai wake vakafamba makiromita anenge 90 kwemaawa 45 vachikwidza nepamusoro perimwe gomo guru kuitira kuti vanoitisa gungano. Gungano paraizopera ndiyo nzira yavaifanira kudzoka nayo kuti vanoitisa rimwe gungano raitevera. Asi mutariri wacho weruwa akati: “Takanzwa sokuti hapana chatakanga taita patakazvienzanisa nedzimwe hama dzatakasangana nadzo dzakanga dzafamba makiromita anenge 400 kwemazuva matanhatu, uye pakati pavo paiva nehama yaiva nemakore 60!”
5. Munhu mumwe nomumwe anofanira kusarudza kuitei kubvira iye zvino zvichienda mberi?
5 Hofisi yebazi inoedza kuita kuti magungano edunhu neeruwa aitirwe munzvimbo dziri pedyo chaizvo nehama. Iye zvino magungano ava munzvimbo dzinogona kusvikwa nemunhu wose, angava achishandisa bhazi, chikochikari kana kufamba netsoka, sezvataona pamuenzaniso wabva kutaurwa. Iva nechokwadi chokuti wanyengeterera kuti ubatsirwe naJehovha uye kuti iwe nemhuri yako mupinde gungano. Ichokwadi kuti zvinoda kuzvipira uye kuronga zvakanaka kuti tikwanise kugara tichipinda magungano edunhu neeruwa asi vaya vanoedza kuita izvi vachakomborerwa zvikuru naJehovha.—Zvir. 10:22; Mar. 3:10.