Usazeza Kuparidza
1. Ushingi hunodiwa papi uye nemhaka yei?
1 Wakambozeza kuparidza uri kuchikoro nemhaka yokutya kusekwa here? Zvinotoda ushingi kuti ukwanise kutaura, kunyanya kana uri munhu anonyara. Zvii zvichakubatsira?
2. Pakuparidza kuchikoro, kuongorora mamiriro akaita zvinhu kunopinda papi?
2 Ongorora Mamiriro Ezvinhu: Kunyange zvazvo kuchikoro ingava ndima yakanaka inoita kuti uparidzire vanhu vakawanda, yeuka kuti hautarisirwi kutanga kutaura nemunhu wose wose nezveBhaibheri sezvaunoita uchiparidza paimba nemba. Ongorora mamiriro ezvinhu kuti uzive nguva yokutaura. (Mup. 3:1, 7) Nyaya inenge ichitaurwa mukirasi kana kuti basa raunopiwa zvingaita kuti uwane mukana wokutaura zvaunotenda. Kana kuti mumwe waunodzidza naye angakubvunza kuti nei usingaitiwo zvimwe zvinhu. Panongotanga gore vamwe vaKristu vanoudza vadzidzisi vavo kuti ivo vamwe veZvapupu zvaJehovha uye vanobva vavapa mabhuku anotsanangura zvatinotenda. Vamwe vakasiya mabhuku ari padhesiki kuitira kuti vavanodzidza navo vabvunze mibvunzo nezvawo.
3. Ungagadzirira sei kuzoparidzira kuchikoro?
3 Gadzirira: Kana ukagadzirira, chivimbo chako chichawedzerawo. (1 Pet. 3:15) Saka edza kufungidzira mibvunzo ingangobvunzwa, uye funga kuti ungazoipindura sei. (Zvir. 15:28) Kana zvichiita, paunenge uri kuchikoro gara uine Bhaibheri uye mabhuku akadai saKukurukurirana, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku, uye mamwe anotaura nezvekusikwa kwezvinhu kuitira kuti uzoashandisa pakamuka nyaya. Kumbira vabereki vako kuti pamunoita kunamata kwemhuri mudzidzire zvamuchazoita kuchikoro.
4. Nei uchifanira kuramba uchiparidza kuchikoro?
4 Iva Nemaonero Akanaka: Usafunga kuti vaunodzidza navo kuchikoro vachakuseka pose paunoda kutaura nezveBhaibheri. Vamwe vangangokuyemura pamusana poushingi hwako uye vangatoteerera. Asi usaora mwoyo kana pakashaya anokuteerera. Jehovha achafadzwa nokuti unenge waedza. (VaH. 13:15, 16) Ramba uchimukumbira kuti akubatsire kuti ‘urambe uchitaura noushingi.’ (Mab. 4:29; 2 Tim. 1:7, 8) Imbofungidzira mafariro awaizoita kudai mumwe munhu aizoteerera. Munhu iyeye angazoguma atovawo mushumiri waJehovha sewe!