RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 February p. 4
  • Usapambadza Mabhuku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usapambadza Mabhuku
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Nokuchenjera Mabhuku Edu eBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Kugovera Mabhuku Mundima Ine Mitauro Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Shandisa Mabhuku Edu Nokuchenjera
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 February p. 4
Mukadzi ari kuteerera zvaari kudzidziswa neZvapupu zvaJehovha kubva mubhuku raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!

KURARAMA KWECHIKRISTU

Usapambadza Mabhuku

Jesu akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mt 10:8) Tinoteerera mashoko iwayo akajeka atakaudzwa nekusabhadharisa vanhu maBhaibheri kana mabhuku atinovapa. (2VaK 2:17) Asi hazvirevi kuti haakoshi; zvaanodzidzisa ichokwadi chiri muShoko raMwari. Ibasa chairo uye panoshandiswa mari yakawanda kuti aprindwe uye atumirwe kuungano pasi rose. Saka tinofanira kungotora atinoda kushandisa.

Usapambadza mabhuku, kunyange paunenge uchiparidza munzvimbo dzinopfuura vanhu. (Mt 7:6) Panzvimbo pekupa wese ari kupfuura, edza kutaura naye kuti uone kana achifarira. Pamibvunzo iri mubhokisi, kana paine wauchapindura kuti ehe, zvinoratidza kuti munhu wacho ari kufarira. Kana usiri kuona kuti ari kufarira here kana kuti haasi, zviri nani kumupa turakiti. Asi kana akakumbira magazini kana kuti rimwe bhuku, hatifaniri kumunyima.​—Zvi 3:27, 28.

MUNHU WACHO . . .

  • ari kuteerera here pauri kutaura naye?

  • ari kutaurawo here zvaanofunga?

  • ati achaverenga here bhuku racho?

  • ari kuratidza here kuti ari kufarira zvaari kunzwa muShoko raMwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe