Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna January
“Vamwe vanhu vanobvuma kuti Bhaibheri ibhuku rakavimbika panyaya dzeuprofita. Vamwewo vanoti zvarinotaura hazvina kunyatsojeka uye zvinogona kududzirwa nenzira dzakasiyana-siyana. Munotiwo chii nazvo?” Rega apindure. Zvadaro ipa saimba Nharireyomurindi yaJanuary 1 uye kurukurai mose mashoko ari pasi pekamusoro kekutanga kari papeji 16 uye rimwe remagwaro aripo. Govera magazini acho ari maviri uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi January 1
“Tinogona kudzidza zvakawanda kubva kuvarume nevakadzi vekare vaiva nemukurumbira. Munobvumirana nazvo here? [Rega apindure.] Ndima ino yeBhaibheri inotaura nezvemurume aiva akakurumbira, uye ndiye chete akadanwa kunzi ‘shamwari yaMwari.’ [Verenga Jakobho 2:23.] Magazini ino inotaura kuti chii chakaita kuti Mwari amuti shamwari yake uye kuti chii chatinodzidza pamuenzaniso waAbrahamu.”
Awake! January
“Uori, uye dzimwe mhando dzokusatendeseka zvazara mumabhizimisi. Vamwe vanofunga kuti dzimwe nguva kusatendeseka mune zvebhizimisi kunounza pundutso. Imi munoiona sei nyaya iyi? [Rega apindure.] Chimbonzwai zvinotaurwa nechirevo ichi. [Verenga Zvirevo 20:17.] Magazini ino inotsanangura kuti nei zvichibatsira kuti munhu ave akatendeseka.”