Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
1. Ibhuku ripi rakabudiswa pagungano reruwa muna 2010, uye ticharishandisa papi?
1 Takafara chaizvo pakabudiswa bhuku iri paGungano Reruwa ra2010 raiva nomusoro unoti, “Ramba Uri Pedyo naJehovha!” Bhuku iri rine zvidzidzo zvinobva mubhuku raJeremiya uye raMariro zvinogona kutibatsira muupenyu. (VaR. 15:4) Rakagadzirirwa kuti rizodzidzwa paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano kutanga vhiki yaNovember 5, 2012.
2. Kuongorora mabhuku eBhaibheri aJeremiya uye Mariro kunotibatsira sei?
2 Rinotibatsira Mazuva Ano: Jeremiya ndiye munyori webhuku iri reBhaibheri rakafemerwa uye akaprofita zvinhu pazvakanga zvakaoma muJudha. Pakutanga akaona sokuti akanga asingazokwanisi kuita basa racho. (Jer. 1:6) Akatambudzwawo nevanhu vaaiziva uye vamwe vacho vanogona kunge dzaitova hama dzake dzokuAnatoti. (Jer. 11:21, 22) Zvinonzwisisika kuti pane dzimwe nguva Jeremiya aimboora mwoyo. (Jer. 20:14) Isu patinoita basa ratakapiwa rokuita “kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi,” tinosanganawo nematambudziko uye tinonetsekawo sezvakaitika kuna Jeremiya. (Mat. 28:19) Kuongorora zvaakanyora kuchatibatsira kuti tiite basa redu rokuparidza tiine chivimbo uye tichishingaira.
3. Zvinhu zvakasiyana-siyana zviri mubhuku raJeremiya tichazvishandisa sei?
3 Zvarakaita: Magwaro anokosha anofanira kuverengwa panenge pachidzidzwa ndiwo akatsveyamiswa. Panoperera chidzidzo chevhiki imwe neimwe pane mubvunzo mumwe chete kana kuti miviri yakanyorwa nemashoko matematema uye inoratidza kuti ndiyo pfungwa huru yechidzidzo chacho. Vateereri vanofanira kubvunzwa mibvunzo iyi pakudzokorora. Mubhuku iri rizere nemienzaniso iyo ungano ichanakidzwa kutaura nezvayo.
4. Tinofanira kuitei kuti tinyatsobatsirwa nokudzidza bhuku raJeremiya?
4 Kuti unyatsobatsirwa, unofanira kugadzirira chidzidzo chacho pachine nguva. Tsvaka pfungwa dzaunoda kuzoshandisa muupenyu hwako kana kuti muushumiri. Pindurawo kakawanda. Jeremiya akagutsikana nebasa raakanga apiwa uye akariita achifara nokuti Jehovha akamutsigira. (Jer. 15:16) Dai kudzidza kwatichaita bhuku idzva iri kukatibatsira kuti tiite ushumiri hwedu sezvakaitwa naJeremiya.