Zvikonzero 12 Zvinoita Kuti Tiparidze
Sei tichiparidza nokudzidzisa mashoko akanaka? Chikonzero chikuru ndechokubatsira vaya vanofarira zvokunamata kuti vapinde munzira inoenda kuupenyu husingaperi here? (Mat. 7:14) Ndicho chikonzero chokutanga pazvikonzero zvarongwa pasi apa, asi handicho chinonyanya kukosha. Sekufunga kwako, pazvikonzero 12 zviri pasi apa, ndechipi chinonyanya kukosha?
1. Kunoponesa upenyu.—Joh. 17:3.
2. Kunonyevera vakaipa.—Ezek. 3:18, 19.
3. Kunozadzisa uprofita huri muBhaibheri.—Mat. 24:14.
4. Kunoratidza kuti Jehovha anotonga zvakanaka. Hapana anogona kuti Jehovha akanga asina kupa vakaipa mukana wokuti vapfidze asati avaparadza.—Mab. 17:30, 31; 1 Tim. 2:3, 4.
5. Kunoita kuti tiite basa redu rokubatsira vanhu pakunamata, avo vakatengwa neropa raJesu.—VaR. 1:14, 15.
6. Kunoita kuti tisava nemhosva yeropa.—Mab. 20:26, 27.
7. Kunoita kuti tipone.—Ezek. 3:19; VaR. 10:9, 10.
8. Kunoratidza kuti tinoda vavakidzani vedu.—Mat. 22:39.
9. Kunoratidza kuti tinoteerera Jehovha neMwanakomana wake.—Mat. 28:19, 20.
10. Ndechimwe chezvinokosha pakunamata kwatinoita.—VaH. 13:15.
11. Kunoratidza kuti tinoda Mwari.—1 Joh. 5:3.
12. Ndechimwe chezvinhu zvinoita kuti zita raJehovha ritsveneswe.—Isa. 43:10-12; Mat. 6:9.
Izvi handizvo chete zvikonzero zvinoita kuti tiite ushumiri. Somuenzaniso, kuparidza kunosimbisa kutenda kwedu uye kunoitawo kuti tive neropafadzo yokushanda pamwe chete naMwari. (1 VaK. 3:9) Asi chikonzero chinonyanya kuita kuti tiparidze ndechiri panhamba 12. Pasinei nokuti vanhu vanotiteerera kana kuti havatiteereri, kuita ushumiri ndechimwe chezvinhu zvinoita kuti zita raMwari ritsveneswe uye kunoita kuti Jehovha awane chokupindura kune anomushora. (Zvir. 27:11) Ichokwadi kuti tine zvikonzero zvakanaka zvokuti ‘tirambe tichidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka tisingaregi.’—Mab. 5:42.