Shandisa Nzvimbo Yedu yepaIndaneti Muushumiri—“Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa”
Pajw.org pane chikamu chakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri,” uye pasi pechikamu ichi pane pakanzi “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa.” Kana tikaziva mibvunzo iripo iyo inogara ichibvunzwa nevanhu, tinogona kuita kuti vanasaimba vaende pajw.org kuti vawane mhinduro dzinobva muMagwaro. Tinogonawo kushandisa mibvunzo iyi pakutanga kukurukura nevanhu muushumiri. Tinogona kusarudza mubvunzo watinoona kuti vanhu vemundima yedu vangada kunzwa mhinduro, tonzwa zvinofungwa nasaimba, tobva tamuudza zvinodzidziswa neBhaibheri tichishandisa zviri pajw.org. Kana tapedza, tinobva tamuudza kana kumuratidza kwatatora mhinduro yacho. Tinogonawo kuita kuti averenge mhinduro yacho pajw.org. Mudzimai wemumwe mutariri wedunhu akaona zvichishanda kutaura kuti: “Vakawanda vanobvunza kuti, ‘Mwari ndiye ari kuita kuti titambure here?’ Mungada here kunzwa mhinduro yacho mumasekonzi 51 chete?” Anobva ashandisa mudziyo wake waanofamba nawo kuridzira saimba mhinduro yacho yaakatora pajw.org. Anopedzisa nokusuma chitsauko 11 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?