Unofanira Kutodzokera Kumba Here?
Vamwe vaparidzi pavanenge vari muushumiri, vane nguva dzavanongoti dzikakwana zvimwe kuma12 masikati vobva vatoti vapedza kuparidza. Ichokwadi hacho kuti pane vamwe vanenge vachifanira kupedza kuparidzira panguva idzi nemhaka yezvimwe zvikonzero. Asi iwe unopedza kuparidzira nemhaka yokuti vamwe vawanga uinavo vapedza here kana kuti ndiyo tsika yokwenyu kupedza kuparidza panguva idzodzo? Unokwanisa kumboti wedzerei nguva yaunopedza uri muushumiri here, zvimwe uchiita kuparidza kwepachena kwakadai sokuparidza mumugwagwa? Ungakwanisa kupfuura uchiona munhu mumwe chete kana kuti vaviri vakafarira here paunenge wava kudzokera kumba? Imbofunga kufara kwawaizoita kana waizowana mumwe munhu akaratidza kufarira kana kuti waizogovera mamwe magazini mumugwagwa. Kuti wedzerei nguva shoma uri muushumiri ndeimwe nzira yokuwedzera nayo “chibayiro chokurumbidza” kwedu.—VaH. 13:15.