RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/13 p. 1
  • Shoko raMwari Rinobatsira Pakudzidzisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raMwari Rinobatsira Pakudzidzisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Farikanya Betsero Dzokudzidzisa Kwoumwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Chengetedza Pfungwa Dzako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • ‘Kuda kwaMwari Ngakuitwe’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 8/13 p. 1

Shoko raMwari Rinobatsira Pakudzidzisa

1. Gungano redunhu regore rebasa ra2014 richange riine musoro wokuti chii, uye mubvunzo upi uchapindurwa pagungano racho?

1 ‘Murayiridzi wedu Mukuru’ Jehovha, ndiye mudzidzisi anopfuura vose. (Isa. 30:20, 21) Anotidzidzisa sei? Akatipa bhuku rinopfuura ose, rinova Shoko rake raakafuridzira Bhaibheri. Kudzidziswa kwatinoitwa naMwari kunotibatsira sei pautano hwedu, mupfungwa, uye pakunamata? Mhinduro yemubvunzo uyu ichakurukurwa pagungano redu redunhu regore rebasa ra2014. Musoro wegungano racho wokuti, “Shoko raMwari Rinobatsira Pakudzidzisa” unobva pana 2 Timoti 3:16.

2. Pfungwa huru dzegungano dzichabudiswa pachena nemhinduro dzemibvunzo ipi?

2 Tsvaka Pfungwa Huru Dzinotevera: Pfungwa huru dzegungano dzichabudiswa pachena nemhinduro dzemibvunzo inotevera:

• Kudzidziswa kwatinoitwa naMwari kunotibatsira sei muupenyu hwedu? (Isa. 48:17, 18)

• Kana tikaronga kuti tigadzirise mamiriro edu ezvinhu muupenyu kuti tishumire Jehovha mubasa renguva yakazara, tinogona kuva nechokwadi chei? (Mar. 3:10)

• Tinofanira kuitei kana tikanzwa ‘dzidziso dzisingazivikanwi’? (VaH. 13:9)

• Tingatevedzera sei “madzidzisiro” aJesu? (Mat. 7:28, 29)

• Nei vadzidzisi vemuungano vachifanira kuzvidzidzisa? (VaR. 2:21)

• Shoko raMwari rinobatsira pachii? (2 Tim. 3:16)

• Vanhu vari kubatsirwa sei ‘nokuzununguswa’ kwemarudzi? (Hag. 2:6, 7)

• Jehovha ane chivimbo chei kwatiri? (VaEf. 5:1)

• Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tirambe tichiita zvatinodzidziswa naJehovha? (Ruka 13:24)

3. Nei zvichikosha kuti tipinde uye tinyatsoteerera pagungano iri ratiri kupiwa panguva yakakodzera?

3 Asati anyora mashoko erugwaro rwakatorwa mashoko emusoro wegungano iri, Pauro akanyora mashoko ari kwekutanga muna 2 Timoti 3, achirondedzera nguva dzakaoma dzaizoratidza mazuva okupedzisira. Akanyora kuti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.” (2 Tim. 3:13) Kuti tirege kutsauswa, zvinokosha chaizvo kuti titeerere uye tishandise zvatinodzidziswa naJehovha. Saka ngatitsungei kupinda uye kunyatsoteerera pagungano iri ratiri kupiwa panguva yakakodzera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe