Chengetedza Pfungwa Dzako
1. Gungano redunhu mugore rebasa ra2013 richange riine musoro wokutii, uye chinangwa charo ndechei?
1 Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vade Jehovha nemwoyo wavo wose, nemweya wavo wose, uye nepfungwa dzavo dzose. (Mat. 22:37, 38) Magungano egore rino akagadzirirwa kuti atibatsire kuvandudza unhu hwedu. Musoro wegungano reruwa unoti “Chengetedza Mwoyo Wako!” Gungano rezuva rimwe chete mugore rebasa ra2013 richange riine musoro wokuti “Chengetedza Hana Yako.” Magungano edunhu achatanga kuitwa mumwedzi unotevera achange aine musoro wokuti “Chengetedza Pfungwa Dzako,” uyo unobva pana Mateu 22:37. Gungano iri richabatsira mumwe nomumwe wedu kuti aongorore mafungiro ake kuitira kuti mafungiro edu awedzere kufadza Jehovha.
2. Tinofanira kutsvaka mhinduro yemibvunzo ipi patinenge tichiteerera gungano?
2 Zvichakurukurwa: Patinenge tichiteerera gungano redunhu, tinofanira kutsvaka mhinduro yemibvunzo iyi, uye mibvunzo yacho ichakurukurwa sepfungwa huru:
• Tingaita sei kuti tisava ‘nemafungiro evanhu’?
• Tingabatsira sei kubvisa chinofukidza chinopofumadza pfungwa dzevasingatendi?
• Tinoda kuva nemafungiro akaita sei?
• Zvakanakirei kufungisisa zvinhu zvakanaka?
• Tingabvuma sei kuti Jehovha aumbe mafungiro edu?
• Varume, madzimai, vabereki, uye vana vangaita sei kuti mumhuri muve nomufaro?
• Tingaratidza sei kuti takagadzirira zuva raJehovha?
• Zvinorevei kugadzirira pfungwa dzedu nokuda kwebasa rakaoma?
• Vanoshandisa zvavanodzidza vanowanei?
3. Sei zvichikosha kuti tipinde mazuva ose ari maviri, kunyatsoteerera, uye kushandisa zvatinenge tadzidza?
3 Satani ari kurwa hondo yokuda kukanganisa mafungiro edu. (2 VaK. 11:3) Saka tinofanira kudzivirira pfungwa dzedu uye kuchenjerera zvinhu zvatinofunga. Tinofanira kuramba tichiratidza mafungiro aKristu uye kudzivisa zvinhu zvakaipa zviri munyika ino isingateereri mitemo. (1 VaK. 2:16) Saka ronga kuti upinde gungano redunhu mazuva ose ari maviri. Nyatsoteerera. Kushandisa mashoko anokosha anenge akurukurwa kuchatibatsira kuti tinyatsoisa pfungwa dzedu dzose pakushingairira basa roUmambo.—1 Pet. 1:13.