Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
1 “Ivai Vanhu Vanodzidziswa naJehovha” ndiwo musoro wepurogiramu itsva yezuva regungano chairo inotanga muna November. (Joh. 6:45) Kudzidzisa kwoumwari kunobva kuna Jehovha kunotibetsera zvirokwazvo kurarama upenyu hunogutsa. Kunokudza matiri kuonga kukuru nhaka yedu yomudzimu. Nhamburiko dzedu dzokubetsera vamwe kunzwa mashoko akanaka dzinotiita mitezo inobetsera yenzanga. Iri zuva regungano chairo richasimbisa zvikomborero zvinofarikanywa navanhu vanodzidziswa naJehovha.
2 Purogiramu yacho ichasiyanisa betsero dzokudzidzisa kwoumwari nengozi dzekudzidza kwokunyika. Tichaona zvakajeka zvikuru kuti Jehovha anogovera sei rudzi rwakakwirira zvikurusa rwedzidzo—dzidzo yakavakirwa paShoko rake, Bhaibheri. Nharaunda nhatu dzokunamata dzichasimbiswa umo tinowana mufaro mukudzidziswa naMwari. Mukuwedzera, pwere dzichakurudzirwa kutevedzera mienzaniso yakatanhamara yeBhaibheri yakadai saDhavhidhi naTimotio uye kuvakira upenyu hwavo pamibato yomudzimu. Kutenda kwedu kuchasimbiswa sezvo ruvimbiko rwevanhu vakura runosimbiswawo. Vachangobva kuzvitsaurira avo vanokwanirisa vachakwanisa kubhapatidzwa. Apo kunenge kuchine nguva mberi zvikuru zuva regungano risati rasvika, vanofanira kuzivisa mutariri anotungamirira nezvechishuvo ichocho.
3 Hurukuro huru yezuva regungano chairo ine musoro unoti “Vanodzidziswa naJehovha Kuita Kuda Kwake.” Ichasimbisa zvikonzero nei tose zvedu tichifanira kuramba tichidzidza, kutsigiswa mukutenda, uye kupfuurira kuita fambiro mberi. Tichakurudzirwa kutevedzera Jehovha kupfurikidza nokudzidzisa vamwe zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingaperi. Zvakaitika zvinovaka zvichabatanidzwa kuratidza kuti zvinyorwa zveSosaiti zvakabetsera sei vakawanda kudzidziswa naJehovha. Zvakapedzwa zvinobetsera zvegadziriro yaJehovha yokudzidzisa yomunyika yose zvichasimbiswa.
4 Ita gadziriro chaidzo dzokupinda. Kurudzira vose vanofarira kuvapo. Karira kudzidziswa zvinhu zvakawanda zvakanaka noMurayiridzi wedu Mukuru.—Isa. 30:20.