Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna February
“Vanhu vatinotaura navo vakasiyana pamaonero avanoita Bhaibheri. Vamwe vanodavira kuti iShoko raMwari, asi vamwe vanoriona sebhukuwo zvaro. Munofungei nezveBhaibheri?” Rega apindure. Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi yaFebruary 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi February 1
“Vanhu vakawanda vanoda kuti hondo dzipere. Munofunga kuti zvine musoro here kuva nechinangwa chokuti nyika yose ive nerugare? [Rega apindure.] Onai zvinovimbiswa neMagwaro. [Verenga Pisarema 46:9.] Chinofadza ndechokuti zvakaitika paHondo Yenyika I uye pashure pacho zvinotipa chivimbo chokuti nokukurumidza Mwari achazadzisa uprofita uhwu uye achagumisa hondo zvachose. Magazini ino inotsanangura nyaya yacho.”
Awake! February
“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti tikurukure nezvedambudziko rine vanhu vakawanda. Zvinoita sokuti hatimbofi takawana nguva yakakwana yokuita zvose zvinoda kuitwa. Munofunga kuti imhaka yokuti tine zvakawandisa zvokuita here kana kuti inyaya yokuti tinotambisa nguva yedu yakawanda? [Rega apindure.] Vakawanda havazivi kuti Bhaibheri rinopa mazano anobatsira okuti tingashandisa sei nguva zvakanaka. Regai ndikuratidzei rimwe racho. [Verenga VaFiripi 1:10a.] Magazini ino inotaura nzira ina dzakabatsira vakawanda kuti vashandise nguva yavo nokuchenjera.”