Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna May
“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti tikurukure mubvunzo uyu unoita kuti tide kuziva. [Muratidze mubvunzo wekutanga papeji 16 yeNharireyomurindi yaMay 1.] Munofungei?” Rega apindure. Kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wekutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti mukurukure mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi May 1
“Tiri kushanya kwenguva pfupi nokuti vanhu vakawanda vanoda kuziva ramangwana. Munonzwa sei pamunofunga nezveramangwana? Munonzwa muine chivimbo here kana kuti munonetseka? [Rega apindure. Zvadaro, verenga rugwaro rumwe chete pane ari mubhokisi rakanzi “Zvakataurwa naMwari Nezveramangwana.”] Magazini ino inoratidza zvimwe zvinhu zvinonzi naMwari zvichaiitika uye inotsanangura zvingaita kuti tive nechokwadi chekuti zvichaitika.”
Awake! May
Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti tibatsire vanhu kuti vaderedze kuzvidya mwoyo. Munoonawo sokuti vanhu vava kunyanya kuzvidya mwoyo kupfuura kare here? [Rega apindure.] Vakawanda vanofunga kuti mazano ari muBhaibheri anovabatsira kuti vasanyanya kuzvidya mwoyo. Onai rimwe racho. [Verenga Mateu 6:34.] Magazini ino inotsanangura kuti mazano eBhaibheri anotibatsira sei kuti tikurire zvinhu zvina zvinonyanya kuita kuti vanhu vazvidye mwoyo.”
Onai kuti: Nyaya ino ingafarirwa zvakanyanya nevanoita zvebhizimisi.