RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/14 pp. 2-3
  • “Unganidza Vanhu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Unganidza Vanhu”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Teerera Udzidze
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Nguva Yokudya Mune Zvokunamata Uye Yokufara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze“nzira yaMwari Youpenyu” dza1998
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 4/14 pp. 2-3

“Unganidza Vanhu”

1. Magungano eruwa akafanana papi negungano rinokosha rakaitwa nevaIsraeri vachangobuda muIjipiti?

1 VaIsraeri vachangobva kuIjipiti, Jehovha akarayira Mosesi kuti ‘aunganidze vanhu’ paGomo reSinai kuti vanzwe mashoko ake kuitira kuti vamutye uye vadzidzise vanakomana vavo nzira dzake. (Dheut. 4:10-13) Ichi chaiva chiitiko chisingakanganwiki uye chaisimbisa kutenda zvechokwadi! Mumwedzi mishoma iri kutevera, vanhu vaJehovha vachaungana pamagungano kuti vadzidziswe naJehovha. Tinofanira kuitei kuti tinyatsobatsirwa?

2. Zvii zvatinofanira kuita kuti tive ‘vakagadzirira’ gungano redu?

2 “Gadzirira”: Jehovha akarayira vaIsraeri kuti ‘vagadzirire’ gungano risingakanganwiki iroro rakaitwa paGomo reSinai. (Eks. 19:10, 11) Saizvozvowo, havasi vaya chete vane zvavachaita papurogiramu vanofanira kunyatsogadzirira, asi vose vachapinda vanofanira kunyatsogadzirira. Somuenzaniso, vakawanda vachafanira kuronga kuti vave nemazuva avanenge vasiri pabasa kuti vapinde gungano. Zvimwe mamiriro ako ezvinhu akafanana neaNehemiya. Aida kumbobva pabasa rake rokuva mudiri waMambo Atashasta kuti aende kunobatsira pakuvakwazve kwerusvingo rweJerusarema, asi aiziva kuti mambo wacho aigona kumurambidza. Nehemiya akanyengetera ndokubva asvitsa chikumbiro chake noushingi. Mambo akamubvumira kuenda uye akatotsigira basa racho rokuvaka! (Neh. 2:1-9) Kuwedzera pakukumbira nguva yokupinda gungano kune waunoshandira, wakatoronga here mafambiro auchaita uye kwauchagara? Vakuru vachafara kubatsira chero ani zvake angada rubatsiro. Ronga kusvika purogiramu isati yatanga nguva dzose, uye iva akagadzirira ‘kuteerera kupfuura zvaunogara uchiita.’—VaH. 2:1.

3. Chii chichatibatsira kugadzirira mwoyo wedu nokuda kwegungano?

3 Zvinokoshawo kuti tigadzirire mwoyo wedu kuti titeerere uye tidzidze. (Ezra 7:10) Purogiramu yegungano ichafanoiswa paIndaneti pajw.org uye ichange iine misoro yehurukuro dzose pamwe chete nerugwaro rumwe kana maviri achakurukurwa pahurukuro imwe neimwe. Izvi zvinoita kuti tiwane zvokudzidza paManheru edu Okunamata Kwemhuri mumavhiki anotangira gungano redu. Vamwe vaparidzi vanopirinda purogiramu yacho vobva vaishandisa pakunyora manotsi mapfupi pagungano.

4. Vabereki vangashandisa sei gungano pakudzidzisa vana vavo?

4 ‘Dzidzisa Vanakomana Vako’: Chimwe chezvinangwa zvegungano rakaitwa paGomo reSinai chaiva chokuti vabereki vechiIsraeri “vadzidzise vanakomana vavo.” (Dheut. 4:10) Gungano rinopa vabereki mukana wakanaka wokudzidzisawo vana vavo. Vabereki vanofanira kugara nevana vavo panguva yepurogiramu vovabatsira kuti vateerere. Mhuri dzinogona kukurukura nezvepurogiramu panopera zuva rimwe nerimwe regungano uye pavanozoita kunamata kwavo kwemhuri.

5. Tichabatsirwa sei nokupinda gungano regore rino?

5 Gungano rinokosha rakaitwa paGomo reSinai rakabatsira vaIsraeri kuona ropafadzo yavaiva nayo yokuva vanhu vaMwari. (Dheut. 4:7, 8) Gungano redu reruwa regore rino rakagadzirirwa kuti ritibatsirewo saizvozvo. Kwemazuva matatu tichakwanisa kumboita setabuda munyika yaSatani yakaita serenje, tozorodzwa mune zvokunamata, tichiwadzana nevanhu vanotivaka muparadhiso yokunamata. (Isa. 35:7-9) Zuva raJehovha zvariri kuswedera pedyo, ngatisambotambisa mukana uyu wokusangana pamwe chete tichikurudzirana!—VaH. 10:24, 25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe