RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 January p. 8
  • Kutanga Kukurukura Nevanhu Tichishandisa Maturakiti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutanga Kukurukura Nevanhu Tichishandisa Maturakiti
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Maturakiti Matsva Akagadzirwa Zvakanaka Chaizvo!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzekuenzanisira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Shandisa Maturakiti Pakuparadzira Mashoko Akanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Shandisa Maturakiti Kutanga Kukurukurirana
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 January p. 8
Hanzvadzi iri kuparidza zvisina kurongwa pachiteshi chemabhazi ichishandisa turakiti rinonzi ‘Kutambura Kuchazombopera Here?’

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kutanga Kukurukura Nevanhu Tichishandisa Maturakiti

Kubva muna January 2018, papeji yekutanga yePurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa pave pachibudiswa mharidzo dzekuenzanisira. Tave tichikurudzirwa kukurukura nevanhu pane kungovapa mabhuku. Kuti vaparidzi vabatsirwe kuvandudza mharidzo dzavo, mavhidhiyo emharidzo dzekuenzanisira ave achiratidza kuti vangatanga sei kukurukura nevanhu vachishandisa Bhaibheri chete. Izvi zvinoreva here kuti hatifaniri kushandisa mabhuku patinenge tichiparidza paimba neimba? Aiwa! Semuenzaniso, maturakiti anogona kushandiswa kutanga kukurukura nevanhu zvinobudirira. Tinogona kushandisa mazano anotevera patinenge tichishandisa chero turakiti:

  1. Bvunza mubvunzo uri papeji yekutanga yeturakiti racho.

  2. Ratidza saimba mhinduro yeBhaibheri inowanika muvhesi kana kuti mavhesi ari pamusoro pepeji yechipiri. Kana nguva iripo, verenga uye kurukura mamwe mashoko ari muturakiti racho.

  3. Ipa saimba turakiti racho uye mukurudzire kuti ariverenge paanenge awana nguva.

  4. Usati waenda, ratidza saimba mubvunzo uri pakanzi “Zvekufunga Nezvazvo” uye ronga kuti muzokurukura mhinduro yeBhaibheri paunozodzoka.

Turakiti rinonzi ‘Unoona Sei Ramangwana?’ uye manhamba anoratidza zvakaita turakiti racho.

Paunodzokera, kurukura mhinduro yacho wobva wasiya mumwe mubvunzo wekuzokurukura paunozodzokera zvekare. Unogona kusarudza mubvunzo kubva pawebsite yedu kana kuti kubva mubhuku rinotaurwa papeji yekupedzisira yeturakiti racho. Panguva yakakodzera, muratidze bhurocha rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! kana kuti rimwe remabhuku atinoshandisa pakudzidza nevanhu Bhaibheri riri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe