Mharidzo Dzokuenzanisira
Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu?
Kwazisa saimba, womupa turakiti racho kuti aone musoro waro wobva wati: “Tiri kuita mushandirapamwe pasi rose wokugovera pepa iri rine mashoko anokosha. Renyuwo iri.”
Kana uchizosiya turakiti racho pamba pasina vanhu, riise parisingaoneki nevanenge vachipfuura uye usaripeta-peta.
Kana saimba akaratidza kufarira kana kuti achida kukurukura, ungada kumubvunza kuti anofungei nezvemubvunzo uri pokutanga. Vhura turakiti racho, womuratidza zvinotaura Pisarema 119:144, 160. Tsanangura kuti turakiti racho rine mashoko anotaura nezvenzvimbo yepaIndaneti inogona kumubatsira kuwana mhinduro dzemuBhaibheri dzinogutsa. Unogona kumuratidza vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? Usati wabva, muratidze mibvunzo mitatu iri kuseri kweturakiti racho womubvunza kuti ndeupi waanonyanya kunetseka nawo. Muudze kuti ungada kuzodzoka kuti umuratidze mawanire aanoita mhinduro yacho pajw.org. Paunodzoka, kurukurai mhinduro yacho muchitarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA.
Kana uchizogovera mapepa ekukoka vanhu kugungano renyu remunharaunda, ipa saimba pepa racho pamwe chete neturakiti uye womuudza kuti, “Takupaiwo rimwe pepa iri rokukukokai kuchiitiko chisingabhadhariswi chiri kuuya.”
Nharireyomurindi August 1
Pakupera kwevhiki, taurai zvinotevera pazvinenge zvakakodzera kuti mugovere magazini yeNharireyomurindi: “Tinoda kukupaiwo magazini edu emwedzi uno. Magazini iyi yeNharireyomurindi inopindura mubvunzo wokuti, Mwari ane hanya newe here?”
Awake! August
Pakupera kwevhiki, taurai zvinotevera pazvinenge zvakakodzera kuti mugovere magazini yeAwake!: “Tinoda kukupaiwo magazini edu emwedzi uno. Magazini iyi yeAwake! inopindura mubvunzo wokuti, Vanhu vangaitei kuti vagarisane murunyararo?”