Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi April 1
“Nhasi tiri kupa vanhu vose vemunharaunda ino pepa iri. [Ipa saimba turakiti raUnoona Sei Bhaibheri? womubvunza mibvunzo iri pekutanga. Muratidze mhinduro yemuBhaibheri iri pana 2 Timoti 3:16, womukurudzira kuverenga turakiti racho paanenge awana nguva.] Vanhu vakawanda havazivi kuti Bhaibheri rine mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yakaita seiyi. [Muratidze mibvunzo iri pekutanga papeji 3 yeNharireyomurindi.] Magazini ino inokubatsirai kuwana mhinduro dzacho muBhaibheri renyu.”
Awake! April
“Nhasi tiri kushanyira vanhu kwenguva pfupi nokuti vakawanda vari kunetseka nekuchinja kuri kuitika mumhuri. Kare, vabereki ndivo vaitungamirira, asi mune dzimwe mhuri zvave kuita sekuti vana ndivo vava kutungamirira. Munofunga kuti vabereki vemazuva ano vari kuranga vana vavo sezvavanofanira kuita here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza kuti kuranga vana kunokosha. [Verenga Zvirevo 29:17.] Magazini ino ine mazano anobva muBhaibheri anobatsira pakuranga vana zvakakodzera.”