Shingairirai Kukurudzirana Kuita Mabasa Akanaka
VaHebheru 10:24 inotiudza kuti “tirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka.” Tinogona kukurudzira hama dzedu nezvatinoita uye nemashoko ekutenda kwedu. Udzawo vamwe vemuungano zvakanaka zvakamboitika kwauri. Ita kuti vazive kufara kwaunoita pakunamata Jehovha. Asiwo unofanira kungwarira kuti usavaenzanise newe kana kuti nevamwe. (VaG. 6:4) Ita kuti zvakanaka zvaugona zvikurudzire vamwe kuti vave “norudo nemabasa akanaka,” kwete kuita kuti vaite mabasa akanaka nekuti tinenge tavapa mhosva. (Onai bhuku reChikoro Choushumiri, p. 158, ndima 3.) Kana tikakurudzira vamwe kuva nerudo, vachakwanisa kuita mabasa akanaka akadai sekubatsira vamwe kana kuti kuparidza.—2 VaK. 1:24.